Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudza VaKunonga Kuti Vasiyane neZvivakwa zveAnglican Church


Dare repamusoro soro rapa mutongo wekuti Anglican Church - Church of the Province of Central Africa CPCA – Harare Diocese, ndiyo muridzi wezvivakwa zvose zvakanga zvatorwa na Bishop Nolbert Kunonga.

Izvi zvapa kuti zvivakwa zvose zvechechi iyi zvive pasi pa Bishop Chad Gandiya, vanova mukuru we CPCA – Harare Diocese.

Dare ratiwo VaKunonga havasi mukuru weAnglican Church muHarare.

Mutongo uyu wapedza makakatanwa pakati pezvikwata zviviri, ayo ange ari kukonzera kuti nhengo dze CPCA – Harare Diocese dzishaye nzvimbo yekunamatira sezvo dzaitandaniswa mumachechi adzo nemapurisa achishanda naVaKunonga.

Vachitaura nemabhishopi nenhengo dzesvondo yavo mushure memutongo uyu, Bishop Gandiya vati vanofara chose kuti mwari vanzwa minato yavo.

Bishop Gandiya vati vari kutarisira kudzokera kunoshandira kumuzinda wechechi yavo pamwe nekunamatira mudzichechi dzavo zvichitevera mutongo uyu.

Munyori muCPCA Harare Diocese, VaMichael Chingore, vati mutongo uyu unotaura pachena kuti VaKunonga havana kodzero yekurambira vari mumahofisi eCPCA nekuti havasi mukuru weAnglican Church.

VaChingore vati kunyange hazvo dare risina kutara nguva yekuti VaKunonga vabude muzvivakwa zveCPCA, vanofanira kubuda nekukurumidza kuitira kuti vasaburitswe nechisimba nezvikonzi.

Nyaya iyi yakanzikwa navatongi vanoti Justice Luke Malaba, Amai Vernanda Ziyambi naVaYunus Ormerjee.

VaKunonga nevamwe vavo vakabuda mu CPCA – Harare Diocese muna 2007 vachiti vakange vasingafarire zvechingochani, vakatanga svondo yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe.

Vakazodzingwa ne Anglican Church zviri pamutemo muna 2008, asi vakaramba vakabatirira zvivakwa nemidziyo yeCPCA kunyange hazvo vainge vabuda musvondo iyi.

Izvi zvakazoita kuti veCPCA vakwidze nyaya iyi kumatare edzimhosva, VaKunonga vakapihwa mvumo yekubata zvivakwa nemidziyo yose yechechi iyi. Asi veCPCA vakapikisa nyaya iyi kudare repamusoro soro.

Mwedzi wapera, dare iri rakapa zvakare mutongo waibvisa masimba aVaKunonga avakanga vazvipa, pamwe nekuti vasashandise midziyo yechechi iyi mumatunhu akasiyana siyana ari kunze kwe Harare Diocese.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG