Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanotura Hurongwa hweMari yeGore Rinouya


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vatura bhajeti remabhiriyoni matatu nemamiriyoni mazana masere emadhora $3.8 billion semari ichashandiswa nehurumende gore rinouya.

VaBiti vati bhiriyoni rimwe chete remadhora richaenda kudzidzo, ukuwo mazana mana emamiriyoni emadhora achashandiswa nebazi rehutano.

VaBiti vati bhajeti ravatura rakarongwa mushure mekunge vaona zviri kunetsa muhurumende, zvakafanana nekushaikwa kwemabasa, chikafu, uye kushaya vanodyara mari dzavo munyika nezvimwe.

VaBiti vari kukumbirawo dare reparamende kuti zvinhu zvakawanda munyaya dzemari zvivandudzwe, kusanganisirawo mari dzinenge dziri mumabhanga.

Vatiwo nyika inoda mari yakawanda kuitira kuti hupfumi hwenyika huvandudzwe, vakati nyika iri kutenga zvinhu zvakawanda zvekunze, pane zvairi kutengesa kunze kwenyika.

VaBiti vawedzerawo mari yemutero pahwahwa nefodya zvinobva kunze kwenyika, asi vambomisa mutero unobviswa pamotokari dzinenge dzatengwa kunze kwenyika zvikuru dzichashandiswa mumabasa ezvekushanyirwa kwenyika.

Vatiwo mari dzekubatsirikana dziri kupiwa varairidzi nevabereki dzinenge dzisisabatirwi mitero uye vaisawo mari dzine musoro kunyaya dzekurima, dzehutano uye dzidzo.

Nyika yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzemari zvichitevera kusawanikwa kwemari yakanga yakatarisirwa kubva kumangoda.

Rimwe bandiko rinotarisirwa nehurumende kuti ringangopinza mari muhomwe yenyika ndere kurima, asi rakatadzawo kuwana mari nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Vemakambani vatiwo havaoni maindasitiri akavharwa achikwanisa kuvhurwa gore rinouya sezvo mari yaturwa iyi iri shoma zvikuru kuita izvi.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurongwa hwemashindisirwo emari yehurumende uhu hunoratidza kuti zvinhu zvicharamba zvakaoma sezvazvanga zvakaita mugore rino ra2012.

Sachigaro wekomiti yeparemende inoona nezvemari uye vachimirira Goromonzi North muparamende, VaPaddy Zhanda veZanuPF, vanotiwo vatambira nemufaro hurongwa hwaVaBiti uhu, kunyange hazvo nyika iri kukamhina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG