Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reChirwere cheShuga Pasi Rose


World Diabetes Day
World Diabetes Day
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza matambudziko ari kutarisana nepasi rose mukurwisa chirwere chishuga. Zuva reInternational Diabetes Day rinocherechedzwa gore rega rega pazuva ranhasi.

Chirongwa chemuZimbabwe chatungamirwa nesangano reDiabetes Association of Zimbabwe.

Sachigaro vesangano iri, Va Ngoni Chigwana, vanoti vabatana nebazi rezvehutano mukucherechedza chirwere cheshuga pamabiko aitirwa kuMabvuku. VaChigwana vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheshuga huri kuramba huchikwira sezvo vazhinji vasingazive kuti vane chirwere ichi.

VaChigwana vari kukurudzira vari kurarama nechirwere ichi kuti vashare zvine hungwaru zvavanodya kuitira kuti vararame kwenguva yakareba.

Sangano ravo rinoti kubvira gore ra 2011 kusvika pari zvino, vanhu vatsva vabatwa nechirwere cheshuga vanodarika zviuru gumi vakabatwa nechirwere ichi.

Kambani ye Nestle Zimbabwe inonzi iri kushanda nehurumende mukuyedza kutsigira zvirongwa zvekudzidzisa veruzhinji nezvechirwere cheshuga.

Va Chigwana vanoti zvakakosha kuti avo vanofundidzira kuti vane chirwere ichi vaende kunowongororwa nava chiremba nguva ichiripo.

Zuva reWorld Diabetes Day rakauya zvichitevera chisungo chakaitwa musi wa20 Zvita 2006 ne United Nations chekuti zuva iri richerechedzwe pasi rose musi wa 14 Mbudzi. Zuva iri rakatarwa paine chinangwa chekuzivisa veruzhinji nezvechirwere ichi, kudzivirirwa kwacho, pamwe nezvinodiwa neavo vanorarama nechirwere ichi.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa musi wa 14 Mbudzi 2007.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG