Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reVanasikana Pasi Rose


Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekuremekedzwa kwekodzero dzevanasikana iro racherechedzwa kekutanga pasi rose neChina.

Vachitaura pachiitiko ichi chaitirwa kuChitungwiza, mudzimai wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, Amai Elizabeth Tsvangirai, vakurudzira vanasikana kuti vawaniswe mukana wekudzidza zvinozoita kuti vasakurumidze kuroorwa.

Amai Tsvangirai vati vanasikana kana vakadzidza zvakakomba zvinobatsira mukusimudzirwa kwevanhukadzi pasi rose.

Amai Tsvangirai vakurudzira madzimai kuti agare achipangana mazano nevanasikana vavo kuitira kuti vanasikana vasatyorerwe kodzero dzavo.

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiri wesangano re Girl Child Network mu Zimbabwe, Amai Edna Masanga.

Amai Masanga vati kubva muna Kubvumbi wegore rapera kusvika muna Kubvumbi wegore rino, sangano ravo ratambira nyaya dzinodarika zviuru zvina dzevanasikana vari kutyorerwa kodzero dzavo zvinosanganisira kubatwa chibharo pamwe nekusaendeswa kuchikoro.

Zuva rekucherechedzwa kwekodzero dzemwanasikana rakasendekwa parutivi ne United Nations uye ratanga kucherechedzwa neChina pasi rose.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG