Sunday, August 31, 2014 Local time: 04:16

Nhau / Vechidiki

Kuvandudzwa kweBumbiro reMDC-T Kounza Mitauro

Kuvandudzwa kweBumbiro reMDC-T Kounza Mitauro

29.08.2014 19:06
Bato reMDC-T rinoti komiti yanga ichitenderera nematunhu ichinzwa pfungwa dzenhengo dzebato iri pamusoro pezvadzinoda kuti zvive mubumbiro rebato iri, yakapeta basa rayo neChina. Onai zvimwe
August 2014
29 August 2014

Hondo yeMasimba Yotsviriridza muZanu PF VaMugabe Vakangonyarara

Zvinhu zvasvika pakaipisisa mu Zanu PF izvo zvisati zvaimboitika kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.

27 August 2014

Mapurisa Anorova Nhengo dzeMDC Dzichiratidzira

Vechidiki vebato re MDC-T vanga vachidarika mazana matatu vaungana mudhorobha mu Harare vachiratidzira vachiimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachiti vanoda kuti hurumende ivape mabasa.

22 August 2014

VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano neZanu PF Hadzina Chimuko

Mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti bato ravo harichade zvenhaurirano ne Zanu PF dzekuedza kupedza matambudziko akatarisana nenyika vachiti chave kudikanwa kuvandudza mitemo yose inoita kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

18 August 2014

Kukandirana Makobvu neMatete VaMugabe Vakatarisa Kotsviriridza muZanu-PF

Kunetsana muZanu PF kwasvika pachinhanho chepamusoro soro vakuru mubato vachishorwa pamwe nekufumurwa pachena nevadiki vavo mubato.

MDC T Yozeya Kongiresi Ichaitwa Muna Gumiguru

Bato reMDC inotungamirirwa, naVaMorgan Tsvangirai, rapeta musangano waro wemazuva matatu wekuronga kongiresi yebato ichaitwa muna Gumiguru.

Mapurisa Anozvindikita Pamwe neKusunga Nhengo dzeMDC-T muHarare

Nhengo dzeboka revechidiki mupurovhinzi ye Harare dzaungana panosangana migwagwa inoti Jason Moyo Avenue na Julius Nyerere Way ndokutanga kuratidzira dzichifamba nemuna Julius Nyerere Way.

14 August 2014

Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo muMDC-T Koita Mutauro

Mubato reMDC-T maita kusawirirana kunotyisa mushure mehurongwa hwekuyedza kuvandudza bumbiro remitemo rebato vamwe vachikurudzira kuti mutungamiri webato apihwe masimba akawandisa.

13 August 2014

Kunetsana muZanu-PF Kwoenderera Mberi

Mutungamiri weZanu-PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano weconference yemadzimai ebato ravo.

12 August 2014

Meron Wudneh (Ethiopia) Anotora Mukombe we2014 Miss Africa - USA

Meron Wudneh, uyo akaberekerwa kuEthiopia, ndiye akasarudzwa kuva tsvarakadenga yakanakisisa pamakwikwi e 2014 Miss Africa - USA. Zimbabwe yakanga yakamirirwa naYolanda Grace Yona.

11 August 2014

Kunetsana Koenderera Mberi muZanu-PF VaMugabe Vakatarisa

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu PF zvichitevera sarudzo dzakaitwa pamusangano mukuru wevechidiki mubato iri neSvondo.

Mhuri dzeVakarwira Rusununguko rweNyika Dzoyaura neNhamo

Vazhinji vevakanga vari varwiri vehondo yerusununguko vanoti hupenyu huri kuvaomera zvikuru sezvo vasina kuwana zvavakavimbiswa munyaya dzezveminda pamwe nezvirongwa zvekuendesa hupfumi kuvatema.

08 August 2014

Vanhu Vakasungwa kuChingwizi Vanobvisiswa Mari yeChibatiso

Vanhu makumi maviri nevashanu vakasungirwa mhirizhonga yakaitika ku Chingwizi vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramejasitireti ku Chiredzi.

07 August 2014

Kongiresi yeVechidiki muZanu PF Inotanga muHarare

Musangano mukuru wevechidiki veZanu PF watanga muHarare, nhengo dziri kupinda musangano uyu dzichisvika kubva mumatunhu akasiyana siyana

06 August 2014

Kongiresi yeVechidiki muZanu PF Yotanga neChina

Kongiresi yevechidiki veZanu PF iri kutarisirwa kutanga nemusi weChina muHarare matunhu ose achinzi ari kurwisa kuti awane chinzvimbo chemutevedzeri wemunyori weboka revechidiki iri.

Takunda Chingonzo Otaura neWhite House Zvirango Zvakatemerwa Zimbabwe

Muzinda wemutungamiri we America, VaBarack Obama, uri kutarisirwa kuzeya nechizvarwa che Zimbabwe, Takunda Chingonzo, zvirango zvakatemerwa Zimbabwe ne America kuitira kuti zvisavhiringa vechidiki vari kutanga mabhizinesi avo.

05 August 2014

Takunda Chingonzo Anotaura naVaObama muWashington

Mudzidzi wepaNational University of Science and Technology, NUST, Takunda Chingonzo, aita rombo rakanaka rekuita hurukuro nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, pamusoro pedambudziko rakatarisana nevechidiki mukutanga mabhizinesi.

Mapurisa Anotamisa neChisimba Mhuri paKamba yeChingwizi

Dzimwe mhuri dzakagariswa patsva kuChingwizi kuMasvingo dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekutamiswa kwadzave kuitwa dzichiendeswa kuminda yadzanga dzichiramba dzchiti midiki

01 August 2014

MDC Inoti VaMugabe neZanu PF Yavo Vatadza Kutonga

Nhengo dzeMDC-T dzinodarika chiuru dzaratidzira pamuzinda webato iri muHarare dzichiti hadzisi kufara nemamiriro aita zvinhu munyika.

August 2014

Calendar

Chirongwa

Facebook