Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu
Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00
UTC Time: 1700
Nguva yeChirongwa 30
Tererai МР3 | Windows Media
17:00 - 17:19 Sunday 19 May
Shona 1700
17:00 - 17:19 Saturday 18 May
20:13 - 20:20 Friday 17 May
Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rine basa rakakura kwazvo rekurwisa nehuwori pamwe nekusawanikwa kwemabasa kana richinge rakunda musarudzo itsva dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa. Vachitaura pavanga vachivhura zviri pamutemo musangano wemazuva matatu webato ravo, we National Policy Conference, uri kuitirwa muHarare uyo watanga neChishanu, Va Tsvangirai vati bato ravo rakatarisira kukunda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.
19:58 - 20:03 Friday 17 May
17:00 - 17:29 Friday 17 May
14:34 - 14:35 Friday 17 May
Misoro yeNhau dzeShona Nhasi Manheru
19:58 - 19:59 Thursday 16 May
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaparura neChina zviri pamutemo gwaro rinotara mafambisirwo achaitwa hurongwa hwekuti munyika muve nechikafu chakakwana pamwe nehutano hwakanaka, kana kuti food and nutrition policy. Vachitaura pakuparurwa kwehurongwa uhwu, VaMugabe vakurudzira masangano ekunze anobatsira nemari kuti abatsire Zimbabwe munyaya dzezvekurima kuitira kuti nyika ikwanise kurima chikafu chinokwanira vanhu vese vari munyika
17:52 - 17:56 Thursday 16 May
17:00 - 17:29 Thursday 16 May
13:54 - 13:55 Thursday 16 May
20:45 - 20:50 Wednesday 15 May
Vanorarama nehurema vakaratidzira neChitatu pamahofisi egurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachiti vanoda kuti hurumende ivabhadhare mari yayanga isiri kuvapa kwemakore masere adarika. Vanorarama nehurema vanga vakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Tionewo seVanhu”.
18:39 - 18:43 Wednesday 15 May
17:00 - 17:29 Wednesday 15 May
14:14 - 14:15 Wednesday 15 May
Misoro yeNhau dzeShona
21:06 - 21:11 Tuesday 14 May
Dare reseneti rapasisa bhiri rebumbiro idzva, Constitution of Zimbabwe Amendment Number 20 sezvange zvakatarisirwa. Asi bhiri iri richadzorwa kudare reHouse of Assembly neChitatu kuti dare iri rizeye zvasandurwa neseneti bhiri iri risati raendeswa kunosainwa nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.
20:58 - 21:01 Tuesday 14 May
17:00 - 17:24 Tuesday 14 May
13:57 - 13:58 Tuesday 14 May
19:39 - 19:44 Monday 13 May
19:37 - 19:40 Monday 13 May
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rine basa rakakura k rekurwisa nehuwori pamwe nekusawanikwa kwemabasa kana richinge rakunda musarudzo.
Vana muzvinabhizinesi pamwe nevamiriri vemakambani vari kusangana muMaryland umo muchaitirwa neChishanu musangano wekutsvaga nzira dzekuti vemabhizinesi vaite muonera pamwe.
Kunetsana pakati peMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nevamwe vakuru vakuru muchipurisa nekumauto kuri kuenderera mberi zvinonzi nevamwe zvokonzerwa nenyaya yekuti nyika yatarisana nesarudzo.
Chikwata cheZanu-PF chiri kutungamirwa nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, chapinda muMasvingo umo chiri kuyedza kupedza bopoto riri mubato iri apo ratarisana nesarudzo dzenyika.
VaRobert Mugabe vaparura gwaro rinotara mafambisirwo achaitwa hurongwa hwekuti munyika muve nechikafu chakakwana pamwe nehutano hwakanaka.
South Africa iri kuramba kudududza panyaya yekuti misariridzwa yose yemuGlobal Political Agreement inofanira kutanga yagadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.
Vatungamiri vemachechi muHarare vanodarika zana vasangana nevamiriri veZEC kuti vakurudzirane kukosha kwakaita kunyoresa kuti vanhu vazokwanisa kuvhota musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rino
Vanorarama nehurema varatidzira neChitatu pamahofisi egurukota rezvemari vachiti vanoda kubhadharwa mari yayanga vasiri kuwana kwemakore masere adarika.
Dare reseneti rapasisa bhiri rebumbiro idzva, Constitution of Zimbabwe Amendment Number 20 sezvange zvakatarisirwa.
Chibvumirano cheGPA chinosungira VaMugabe kugara pasi nevamwe vavo muhurumende vowirirana zuva rinofanirwa kuitwa sarudzo.
Bato reZimbabwe Freedom Front raparurwa muHarare kuti rigokwikwidza musarudzo dziri kutarirswa kuitwa gore rino.
Sangano e Election Resource Centre rapomerwa neMuvhuro mhosva yekudzidzisa vanhu nezvekuvhota risina kunyoresa kukomisheni inowona nezvesarudzo.
Zvikoro zvepamusoro soro munyika zvinonzi zvakatarisana nedambudziko rekushaya mari kuitira kuti zvishande zvakanaka.
Mapato ezvematongerwo enyika anoti anoda kuti chirongwa ichi chiwedzerwe nguva nepamusana pekusafamba zvakanaka kwachiri kuita pari zvino.
Macheso akagadzwa sa Zimbabwe Red Cross Ambassador muna Kukadzi gore rino, achimirira sangano iri muzvirongwa zvekushanda nevanotambura.
Bato reZanu-PF rinoti rave kurerutsa zvinodiwa kuti munhu akwanise kuti ange achikwikwidza musarudzo dzebato iri.
Bhiri iri rapasa mushure mekushandurwa zvishomanana uye zvichitevera kuverengwa kechitatu nhengo dzedare iri dzabva dzavhota sezvinodiwa nemutemo.
Nyaya yekunyoreswa kwevanhu kuti vange vachikwanisa kunovhota iri kuenderera mberi kunyange hazvo paine kukandirana makobvu nematete.
Bato reMDC-T inoti mapurisa pamwe nevanofungidzirwa kuti vasori vasecha mahofisi aro ekuGwanda mudunhu reMatabeland South akatora midhudhudhu gumi yebato iri
Gurukota rinoona nezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende rinoti zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe varemekedze bumbiro remitemoi.
Studio 7 inotepfenyura zvirongwa zveChirungu, Shona , pamwe neNdebele. Zvirongwa izvi zvinoitwa nevana vemuZimbabwe kuitira kuti vanhu vemuZimbabwe vazvinzwe. Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu