Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chinosimudzira Zvigadzirwa Zvinoitwa neMakambani eVanhukadzi Choparurwa


Amai Queen Dorcas Makhaya
Amai Queen Dorcas Makhaya

Chirongwa ichi chinonzi Women Owned Brand (WOB) icho chichaona zvigadzirwa zvemakambani aya zvichinge zviine chitambi cheWOB.

Boka revanhukadzi muZimbabwe Chamber of Commerce, (ZNCC Women's Desk), raparura chirongwa chekusimudzira zvinhu zvinogadzirwa nemakambani evanhukadzi munyika.

Chirongwa ichi chinonzi Women Owned Brand (WOB) icho chichaona zvigadzirwa zvemakambani aya zvichinge zviine chitambi cheWOB.

Mutevedzeri wemutungamiriri weZNCC, Amai Divine Ndhlukula,vanoti pasi pechirongwa che Women Owned Brand ZNCC ichange ichifamba mumakambani ichikurudzira kuti vatengi vatengewo zvinhu zvinobva kumakambani emadzimai .

Vanoti izvi zvichapa mikana yekuti vanhukadzi vawanewo kwekutengeserawo zvigadzirwa zvavo zvokudzawo mabhizimusi avo.

Amai Ndhlukula vanotiwo pavanenge vachishambadzira mabhizimusi emadzimai, vachange vachiongororawo kuti zvigadzirwa mumakambani aya zvinenge zviri zvemhando yepamusoro here.

Vati mabhizimusi avachashambadzira, vakadzi vanofanirwa kuve vane zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana mumabhizimusi aya.

Mutevedzeri wasachigaro kuboka revanhukadzi muZNCC, Amai Linda Longwe Musesengwa, vanoti ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti mari inoitwa nevanhukadzi inoshandiswa kusimudzira mhuri izvo zvinopedza dambudziko rehurombo munyika nekudaro zvakakosha kusimudzira vanhukadzi.

Paparurwa chirongwa che Woman Owned Brand ichi muHarare vakadzi vari mumabhizimusi varatidza hunyanzvi hwavo nekupa vange varipo mvura, tsvutugadzike, zvidyiwa nezvimwewo zvinogadzirwa nemakambani emadzimai.

Amai Queen Dorcas Makhaya vanoumba ndiro, makapu nezvimwewo neivhu vatambira chirongwa cheWomen Owned Brand vachiti vari kutarisira kuti vachabatsirwa kuwana kwekutengesera zvavanoumba.

Amai Candice Maradzika vane bhizimusi rinonzi Speciality Foods of Africa rinogadzira zvekudya kubva muzviwanikwa zvemuno zvakadai semazhanje, tsine, nemauyu. Amai Maradzika vanotiwo chirongwa cheZNCC ichi chichavakurira nzira yekuzivikanwa munyika nekunze.

Boka remadzimai muZNCC rinoti riri kubatanawo nemasangano ekunze kuti riwanire madzimai misika yekutengeserawo kunze kwenyika.

Sangano iri rinotiwo makambani anotenga anofanirwa kuziva kuti kazhinji madzimai anoita zvinhu zvavo nenguva huye nomoyo wese, nekudaro zvavanogadzira ndezvemhando yepamusoro.

XS
SM
MD
LG