Accessibility links

Breaking News

Pastor Mugadza Vopomerwa Mhosva Itsva


Pastor Phillip Mugadza
Pastor Phillip Mugadza

Mufundisi wesvondo yeRemnant Church, VaPatrick Mugadza, avo vanoti vakaudzwa naMwari kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa gore rino, vamiswa pamberi pedare nhasi vave kupomerwa imwe mhosva itsva.

Papinda VaMugadza mudare zuva rorova nhongonya, rimwe remagweta avo, VaGift Mtisi, vasvitsa chikumbiro chekuti hurumende isatombonzwikwa zvachose sezvo Mufundisi Mugadza, avo vakasungwa mangwanani eMuvhuro, vaunzwa kudare maawa makumi mana nemasere akatarwa mubumbiro remitemo kuti munhu ange amiswa padare anga adarika.

Izvi zvabvumwa neMumwe wemapurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaMafion Muchena, avo vaudza dare kuti vatadza kubata nguva iyo sezvo vanonotswa vari kumahofisi evanopomera vanhu mhosva kana kuti national prosecuting authority zvazoita kuti nyaya ipinde mudare mushure memaawa matatU nguva yayanga ichifanirwa kipinda mudare yadarika.

Gweta rehurumende panyaya, Muzvare Audrey Chogumaira, vabvuma kuti nyaya iyi yaunzwa kudare zvisiri pamutemo asi mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti, vakatyamadza vanhu vanga vari mudare mushure mekunge vatura kuti VaMugadza havana kutyorerwa kodzero dzavo vachiti nguva iyi yakwana VaMugadza vari kumahofisi eNational Prosecuting Authority vari munzira kuunzwa kudaro.

Vati vekumahofisi aya ndivo vanounza vanhu mudare saka nokudaro mutemo hauna kutyorwa. Mutongo uyu wauya kunyange bumbiro remitemo riri pachena kuti maawa makumi mana nemasere haafanire kukwana musungwa asati amiswa pamberi pedare.

Izvi zvatsinhirwa nerimwe remagweta aVaMugadza, VaObey Shava.

VaMtisi varamba vakatsika madziro vachiti nyaya iyo haifanire kuenderera mberi sezvo vachiti VaMugadza havana kusaina gwaro ravanosungirwa kusaina vari kumapurisa vasati vaunzwa kudare rinodaidzwa kuti warned and cautioned statement pamhosva itsva yavazounzirwa kudare isiriyo yavakasungirwa.

VaShava vati VaMugadza vazounzwa kudare vave kupomerwa mhosva yekushora pamwe nekutuka zvimwe zvitendero zvichitevera mashoko avo ekuti VaMugabe vachafa gore rino vachiti ndizvo zvavakaudzwa naMwari.

Asi Amai Chogumaira vati zvakaitwa nemapurisa zvakanaka.

Mutongi wedare ati achatura mutongo wake panyaya iyi mangwana. Izvi zvinoreva kuti VaMugadza vacharara zvakare vari muhusungwa kudzamara mutongo waturwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG