Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voudza Amai Mupfumira Zvavanoshuvira Kuitirwa neHurumende


Gurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Prisca Mupfumira, vakaremara vanofanirwa kubatsirwa kuti vazviyamure voga muhupenyu kwete kuramba vachingopemha.

Vachitaura neChina muChinhoyi pakupemberera zuva revakaremara iro raifanirwa kupembererwa musi wa 3 Zvita gore rapera, Amai Mupfumira vati vakaremara havafanirwe kuramba vachingoita hupenyu hwekupemha nguva dzose.

Amai Mupfumira vati kunyange paine mitemo inorerutsira vakaremara, hurumende inofanirwa kuremekedza kodzero dzevakaremara nekuvavakira pekupinda napo muzvivakwa zvehurumende.

Vati izvi zvinofanirwa kutanga muzvikoro zvichingokwira kusvika kumusoro.

Vemasangano akawanda anobatsira vakaremara vanga vari pamhemberero idzi vanoti hurumende haina kuperera pakuyamura vanorarama nehurema.

VaJoshaua Chiteta, vanova musope (albino) vanoti hurumende inofanirwa kuvabatsira nemishonga yekuzora nguva dzekupisa pamwe nekuwanisa magirazi ekuona zvakanaka sezvo vakawanda vavo vaine dambudziko rekusaona zvakanaka.

Mumwe akaremara makumbo, VaJosphat Nhemachena vekuMakonde, vanoti hurumende inofanirwa kuvapa minda pedyo nemadhorobha kuti zvivarerukire pakufamba.

Vakawanda vakaremara vanoti hupenyu huri kuvaomera zvakanyanya zvekuti vari kutadza kuendesa vana vavo kuzvikoro.

Mhemberero idzi dzanga dzichitwa pasi pedingindira rekuti: “Building a More Inclusive and Equitable World for People with Disabilities.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG