Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vanoti Vane Rutsigiro rwaVaMugabe


Amai Grace Mugabe.
Amai Grace Mugabe.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, nemusi weChina vakaita musangano nevatsigiri vebato ravo mumusha wevazhinji weMbare paChishawasha Grounds vachiti misangano yavo ine makomborero emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Amai Mugabe vakatambirwa zvine mutsindo nekambo kanonzi Unconqurable kakaimbwa naDr Tawanda Benson uye pange paine vamwewo vaimbi vakawanda.

Asi semagariro eZanu-PF, misika yose yekuMbare nemabhizimisi akanzi avharwe kuitira kuti vanhu vaende kumusangano uyu.

Mudzimai wemutungamiri wenyika arova nhendeshure panyaya yavo yekuti hapana chinoshamisira pakurwa hondo yerusununguko.

Asi vange voti vanoremekedza zvakanyanya vanhu vakarwa muhondo yerusununguko.

Vatiwo sangano revakarwa hondo yerusununguko rainge roda kupindwa napongwe mushure mekunge pabuda mashoko ekuti painge paine vamwe vesangano iri vainge voda kuratidzira kuti havavafarire amai mugabe vachiti vainge vavazvidza.

Panyaya yematarakita yanetsa pakati pehurumende nevanopikisa, Amai Mugabe vati vanhu havasi kupihwa pachena asi kuti vachabhadhara.

Vanopikisa vanoti matarakita aya ndeehurumende kubva kuchibvumirano chehurumende yeBrazil neye Zimbabwe. Asi Amai Mugabe vave kupa pamisangano yeZanu-PF. Vanhu vakapihwa mupunga nechibage.

Sezvinongoitwawo nemurume wavo, amai Mugabe vashorawo nyika dzekumawirira uye vatori venhau vemapepa akazvimirira.

Zvabudawo pachena kumusangano uyu kuti mubato reZanu-PF mune kunetsana kunotyisa sezvo vamwe vange voti havadi nhengo yedare reparamende yenzvimbo iyi, VaTendai Savanhu.

VaSavanhu vakambomiswa kuva nhengo yeZanu-PF kwemakore mashanu vachipomerwa mhosva yekudyidzana naAmai Joice Mujuru vaimbova mutevedzeri waVaMugabe vasati vadzingwa mubato.

Kunyangwe vanhu vemumbare vakawanda vati havachadi kushanda navasavanhu, amai Mugabe vati vanofanira kuregererwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongero enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti Amai Mugabe vari kuratidza kuti munhu ane makomborero emurume wavo.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG