Accessibility links

Breaking News

ZEC Inotanga Kuverenga Zvabuda muReferendamu


Sangano reZimbabwe Electoral Commission neMugovera manheru rakatanga kuverenga mavhoti ezvainge zvabuda mureferendamu yekuti vanhu vanotambira here bumbiro remutemo rakanyorwa neCOPAC kana kuti kwete.

Vanhu vainge vatanga kuvhota kubva nenguva dzenomwe mangwanani kusvika nenguva dzenomwe manheru. Vakuru musangano reZEC vanoti vainge vachitanga kuverenga paward yega yega vozoenda kudunhu rose.

ZEC yakazivisawo kare kuti mukati memazuva mashanu inenge yapedza kuverenga mavhoti aya. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti sezvo vanhu vashoma vakavhota, ZEC ichakurumidza kuburitsa zvinenge zvabuda musarudzo.

Vachitaura neStudio 7 papera sarudzo, sachigaro weNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati hapana nhengo yesangano ravo yavhiringidzwa uye vati vange vangomirira zviri kubuda musarudzo.

Mumwe wemasachigaro eCopac VaDouglas Mwonzora veMDC-T vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvafamba zvakanka uye vari kutarisira kuti vanhu vakawanda vatambira bumbiro iri.

VaMwonzora vanoti vange vari kuNyanga. Mashoko aVaMwonzora atsinhirwa nemumwe wavo VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu-PF avo vati zvinhu zvafamba zvakanaka. VaMangwana vange vachiongorora sarudzo vari muHarare neMasvingo.

Sangano reZimbabwe Election Support Network rinoti vamwe vaongorori varo vaona mapurisa ari mune dzimwe nzvimbo dzekuvhotera uye vange vakawandisa.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rabatsira vanhu vakawanda vange vasungwa vachiyedza kuvhota kana kubvunza nezvesarudzo.

ZLHR inoti kuMashonaland West vatsigiri veMDC vana vasungwa. MuHarare ZLHR, inoti VaMakario Chinogwa nhengo yeZimbabwe Human Rights Association uye VaTariro Mhende chipangamazano chaVaOkay Machisa mukuru weZimrights vambosungwawo.

Chipo Zuze nhengo yeElection Resource Centre anonzi asungwawo muHarare. Vamwe vanhu vanonzi vasungwawo kuMasvingo neMashonland Central.
XS
SM
MD
LG