Accessibility links

Breaking News

Madzimai Opandukirana Zvakare muZanu PF "Muzita raAmai Mugabe"


Zimbabwe First Lady
Zimbabwe First Lady

Madzimai eWomen’s League yeZanu PF mudunhu reHarare aratidzira neChitatu muHarare achishoropodza mubati wehomwe, Amai Sarah Mahoka, pamwe nemutevedzeri wemukuru we Women’s League, Amai Eunice Sandi-Moyo.

Vaviri ava vanonzi vakatuka mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamusangano wehutungamiri hwemadzimai wakaitirwa kuMazowe.

Madzimai aya anga achiimba nziyo dzekushora vaviri ava vakatakura zvinyorwa zvinovashoropodza Amai Mahoka naAmai Sandi Moyo.

Vaviri ava vari kupomherwa mhosva yekutuka Amai Mugabe, kuita humbavha pamwe nekusatevedzera gwara reboka remadzimai.

Mumwe wemadzimai ange achiratidzira ndiAmai Skumbuzo Munyawarara vanotungamira madzimai ekuManyame.

Amai Munyawarara ndivo vatambidza sachigaro weHarare Province, Amai Joice Kasinamunda, tsamba ine zvenyunyuto zvavo.

Amai Munyawarara vati vari kunyunyuta zvikuru nenyaya yemari yeboka remadzimai yavari kuti haisi kusvika kumadzimai inenge yatambidzwa Amai Mahoka.

Amai Purity Dhave avo vanga vachipupawo nehasha vashorawo Amai Mahoka naAmai Sandi-Moyo vachivapomera mhosva yekutuka Amai Mugabe.

Amai Kasinamunda vashorawo zvikuru Amai Mahoka nekutuka kwavakaita mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa. Vavimbisa madzimai eZanu PF kuti vari kuzoendesa zvinyunyuto zvemadzimaikuhutungamiriri hwavo.

Kuratidzira kweboka remadzimai reZanu PF kunonzi kwaitika kumatunhu akasiyana-siyana munyika.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti Amai Mugabe vane chekuita nekuratidzira kwaitwa nemadzimai uku.

Pane kurwisana kukuru mubato reZanu PF pakati peG40 ne Lacoste. Amai Mahoka vachiri kuwirirana naAmai Mugabe, vanonzi ndevamwe vevakashandiswa kunyomba vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, pamwe naVaMnangagwa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi raAmai Mahoka kana Amai Sandi-Moyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG