Accessibility links

Breaking News

Gakava reMapurazi Rosimuka Zvakare paKuchemwa kwaVaChanetsa


Rains Arrive, But Zimbabwe Farmers Say Seed and Fertilizer Are Lacking
Rains Arrive, But Zimbabwe Farmers Say Seed and Fertilizer Are Lacking

Gurukota rezveminda nekugariswa kwevanhu kumaruva, VaDouglas Mombeshora, vakayambira vakuru vakuru vebato reZanu PF kuti vasaite hudyire hwekuda kukumba mapurazi vachipa vana vavo nemadzisahwira avo.

Gurukota rezveminda nekugariswa kwevanhu kumaruva, VaDouglas Mombeshora, vakayambira vakuru vakuru vebato reZanu PF kuti vasaite hudyire hwekuda kukumba mapurazi vachipa vana vavo nemadzisahwira avo.

Vachitaura parufu rwevaimbove gavhuna wedunhu reMashonaland West, VaPeter Chanetsa, neChishanu chapfuura, VaMombeshora vakati nhengo dzebato reZanu PF dzinofanirwa kugoverana mapurazi avakatora nemhuri dzavo sezvakaitwa naVa Chanetsa kuitira kuti ivhu rose rishandiswe zvizere kuti nyika iwane zvekudya zvinoikwanira.

VaMombeshora vakati VaChanetsa vakakumbira kuti purazi ravo reGreensleeves riri pedyo neguta reChinhoyi ridimurirwe vanakomana vavo vatatu sezvo vaitenda kuti raivakwanira ivo nevana vavo.

VaMombeshora vakatenda kuti vakuru vakuru veZanu PF vakatsvagira vana vavo minda veruzhinji vachiishaya.

Vachitaura paungano rimwe chete iri, nhengo yeCentral Committee muZanu PF, VaWebster Shamu, vakati vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuremekedza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, sezvo vakagadzwa nemidzimu yenyika.

VaShamu, avo vakadzoswa mumusangano weZanu PF mushure mekumbomiswa kuva nhengo mugore ra2014 vachipomerwa mhosva yekutsigira vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vakafananidza VaMugabe semukaka une ruwomba hwemhando yeCremora.

VaChanetsa, avo vakashaya svondo rapera neMuvhuro, vakapihwa ruremekedzo rwegamba renyika vakaradzikwa pamarinda eNational Heroes Acre neMugovera muHarare.

Asi VaChanetsa, avo vakafa nekuda kwechirwere cheshuga kuchipatara cheParirenyatwa, vakanga voomerwa nehupenyu sezvo vakanga voendeswa kumatare edzimhosva nebhangi reCBZ mushure mekutadza kudzosera mari yechikwereti inosvika zviuru gumi nezvipfumbamwe zvemadhora.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG