Accessibility links

Breaking News

Manicaland Youth Expo Vofarirwa neVechidiki Zvakanyanya


Youth Expo
Youth Expo

Vechidiki vemudunhu reManicaland vanoti vari kufara zvakanyanya nemukana wavari kuwana wekushambadzira mabasa avo emaoko pasi peManicaland Youth Expo iyo yave nemakore akati kuti ichiitwa kwaMutare.

Manicaland Youth Expo inopa mukana vechidiki vose vemudunhu iri kuti vabudise pachena matarenda avo emabasa akasiyana siyana anosnagnaisira zvivezwa, zvisonwa, zvirimwa nezvimwe zvakadaro kuti vawane vatengi nekuzvisimudzira muhupenyu.

Murimi wemabanana kuHonde Valley kuNyanga, VaKenneth Dziwire, vanoti kuuya kwavo kuno kwaMutare kunovapa mukana wekuti vashambadzire zvirimwa zvavo kuvatengi uye kuwanawo dzimwe njere mukukurima dzimwe mbesa dzinowanisa pundutso.

Mugari wekuMt Selinda KuChipinge vachiita basa rekuweridha simbi vachigadzira zvakasiyana-siyana zvinosanganisira zvigayo, mapadza nezvimwewo,

VaPhiliomon Sithole, avo vane wekishopu inozivikanwa nerekuti Bhakara kuChipinge, vanoti vanoda rubatsiro rwenzvimbo yekushandira yakasununguka uye nemari yekutenga zvimwe zvekuti vanyatsoita mabasa avo nehunyanzvi.

Muzvare Shelly Nkomo vabva kwaChecheche kuti vazoratidza zvinhu zvavo zvekusona.

Muzvare Nkomo vanoti kuuya kwavo kuYouth Expo kunovabatsira kuti vadzidze zvakawanda.

VaBernard Matongo vanoti vabva kuManica Bridge, uye vachiita zvekuumba mhuka pamwe nekuveza zvakasiyana-siyana.

VaMatongo vanoti vanoda kukwenenzvera mabasa avo sezvo vachisanganawo nenyanzvi uye navanachipangamazano.

Mukomana wechidiki, Tatenda Mudariki, anoti Expo iyi inosumudzira vanhu vakaita saiye.

Mumashoko avo ekuvhura chiitiko chanhasi gurukota rinomirira dunhu reManicaland,

Muzvare Mandi Chimene, vakurudzira vechidiki ava pamberi pegurukota revechidiki, VaPatrick Zhuwawo, kuti vashandure maitiro avo mumabasa avo sezvo riri bhizinesi rakazvimirira.

VaZhuwawo vakurudzirawo vechidiki kuramba vakashinga kudzimara vasvika pavanotarisira.

Vechidiki vangangosvika zana nemakumi mashanu vange vachishambadza zvinhu zvavo, zvichienzaniswa nezana negumi vakapinda muchirongwa ichi gore rapera.

Chirongwa che Manicaland Youth Expo chinopera neChishanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG