Accessibility links

Breaking News

VaMadzore Vanotambirwa seGamba neMDC


MDC youth leader Solomon Madzore
MDC youth leader Solomon Madzore
Bhizinesi rambomiswa muguta reHarare apo vatsigiri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanga vachipembera mumigwagwa vaine dzimotakari dzanga dzichitevera motokari yanga yakatakura mutungamiri weboka revechidiki mubato iri, Va Solomon Madzore, avo vaburitswa mutirongo neChitatu.

VaMadzore vaburitswa pamwe nemumwe wavo Va Lovemore Taruvinga Magaya zvichitevera kubvisirwa kwavaita mari yechibatiso yakatarwa nedare neChipiri.

Paita besanwa rakawomarara paChikurubi pabuditswa vaviri ava mushure mekugara mujeri kwenguva inodarika gore vachipomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa, Inspector Petros Mutedza gore rapera. Vatsigiri veMDC vaimba zvakawomarara ndokumhanya kwechinhambwe vakatakura Va Madzore.

Pazoita mudungwe wemotokari kubva kuChikurubi kupinda mudhorobha dzange dzine vanhu vanga vachiimba vachiridza mabhero uye motokari idzi.

Mudungwe wemotokari idzi wafamba nemuna Samora Machel ndokupinda muna Leopold Takawira ndokuzokona na Nelson Mandela uye vanhu vanga vachidongorera nepamahwindo vamwe vachitevera motokari idzi kudzamara dzasvika pamuzinda weMDC paHarvest House apo VaMadzore vatambirwa nemhomho yevanhu.

VaMadzore, avo vari kudaidzwa nevatsigiri vavo nezita remadunhurirwa rekuti “Mandela”, vati kugara kwavakaita mujeri kwenguva inodarika gore kwavapa simba rekuwona kuti Va Mugabe nebato ravo re Zanu PF vabviswa pachigaro musarudzo dzichaitwa munyika.

VaMadzore vati basa ravakatarisana naro iguru kwazvo, uye vakurudzira vamwe vavo vasunge dzisimbe panyaya yekurwira shanduko.

Murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vati nyika zhinji dzakasununguka kubudikidza nekunge vatungamiri vazhinji vambopinda mujeri sezvakaita VaMadzore. Nokudaro, vati bato ravo rinovimba kuti rakutozobata matomhu pachaitwa sarudzo dzegore rinouya.

VaChamisa vatiwo bato ravo rinozviziva kuti VaMadzore nevamwe vavo havana mhosva yavakapara uye vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Kubuditswa kwaitwa VaMadzore naVaMagaya kunowunza vanhu vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuponda VaMutedza pavanhu vatatu uye kwasara vanhu makumi maviri nevatanhatu vachiri mujeri nepamusana penyaya iyi. Kune vamwewo vaviri vakazosungwa gore rino mushure mekunge VaMadzore nevamwe vavo vasungwa gore rapera.

VaMadzore naVaMagaya vakapihwa mukana wekubvisa madhora mazana mashanu pamunhu neChipiri semari yechibatiso, asi vashandi kumahofisi edare vakaramba kutambira mari iyi vachiti nguva yavo yekuita basa yakanga yakwana.

Kutongwa kwenyaya iyi kwakatarisirwa kuenderera mberi neChishanu apo magweta evasungwa pamwe nevachuchisi venyaya iyi vakatarisirwa kuudza dare kuti vari kufungei nenyaya yekuti vasara mujeri ava vobuditswa here kana kuti kwete.

Mutongi wenyaya iyi, Va Chinembiri Bhunu, vakaudza magweta kuti azeye nyaya iyi ari ega ozoudza dare ravo zvavanenge vawirirana neChishanu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG