Accessibility links

Breaking News

VaPatrick Chinamasa Vanoti Hapana Kudzokera Kumashure paNyaya yeMabond Notes


Patrick Chinamasa
Patrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vanoti hapana kudzokera kumashure pachirongwa chekuparura mari yemabond notes mwedzi uno.

VaChinamasa vataura mashoko aya kumucheto wemisangano yepagore ye International Monetary Fund ne World Bank muWashington DC, muAmerica.

Vanoti chirongwa chekuparura mabond notes chiri kuenderera mberi kupera kwemwedzi uno.

"Chirongwa chema bond notes chiri kuenderera mberi munyika uye chichabatsira kuti avo vanoita zvekutengese zvirimwa nezvimwewo kunze kwenyika kuti vawanewo mibairo yemabasa avanenge vachiita pakuunza mari yekunze munyika," VaChinamasa vaudza Studio 7.

VaChinamasa nagavhuna weRBZ VaJohn Mangudya ndivo vari kutungamira chikwata cheZimbabwe.

VaChinamasa naVaMangudya neChipiri vakapinda mumusangano wemakurokota ezvemari emuAfrica wakaitwa nesangano re Macroeconomic And Financial Management Institute Of Eastern And Southern Africa (MEMFMI) apo vakaudza Studio 7 kuti varikushushikana nekuratidzira kurikuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica sezvo zviri kukanganisa mimwe misangano yavo.

"Zviri kundishungurudza ndezve kuti unowona zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira kunzvimbo dzatinoenda kunoshava rubatsiro izvo zviri kuti katyamadza kuti seyi vana vedu vari ivo varikuda kuti nyika isawane rubatsiro," VaChinamasa vaudza Studio 7.

VaChinamasa vanoti hurumende iri kuyedza zvese zvainokwanisa kuti pasawane mushandi wehurumende anowanikwa achishaya muhoro wake pane nguva.

Hurukuro naVaPatrick Chinamasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG