Accessibility links

Breaking News

Gungano reMachechi reWomen of Dominion Rotsvakira Vanorarama neHusope Mushonga


Dr Natsai Zhou Women Of Dominion Project Director
Dr Natsai Zhou Women Of Dominion Project Director

Sangano reWomen of Dominion riinoti rine hurongwa hwekuti riwanire mushonga vanhu vanorarama nehusope muZimbabwe. Mishonga iyi yakanangana nekudzivirira kuti vanorarama nehusope vasaite chiwere chegomarara.

Women of Dominion inounza pamwe chete madzimai ari mumakereke akasiyana siyana muAmerica nemuZimbabwe uye rinoita misangano kamwe chete pagore. Gore rino musangano uyu wakaitirwa kuDelaware.

Vachitaura pamucheto wemusangano uyu, vanowona nezvekufambiswa kwezvirongwa mugungano remadzimai iri, Doctor Natsai Zhou vanoti sangano ravo riri kushanda nevamwe vanamazvikokota munyika kuitira kuti pawanikwe mishonga inobatsira vanorarama nehusope inoshanda uye ichitengeka nyore.

Mubatanidzwa uyu wakange uri wemazuva mana wakaipindwa nemadzimai emuZimbabwe anobva muAmerica, Canada, Britain nevashoma vakabva kuZimbabwe kwekare.

“Taimbo kurudzira kuti madzimai anouya kumisangano yedu vaunze mishonga, nguwani dzekupfeka nemagirazi ekudzivirira zuva. Asi parizvino tirikuona kuti mishonga iyi haisi kunyatso batsira vanorarama nehusope. Shuwiro yedu ndeyekuti titsvage vanogadzira mishonga iyi kumusha kuitira kuti mitengo idzike uye kuti tigadzirise zvinoenderana nemararamiro anoita vanorarama nehusope munyika,” Doctor Zhou vaudza Studio 7.

Mumwe mudzimai anorarama nehusope amai Spelile Machingamidze vanoti mishonga iriko parizvino iri kudhura. Vanoti danho iri rakanaka zvikuru sezvo richabatsira kuti nyanzvi dzemunyika dzikwanise kugadzira mafuta anoenderana navo asingadure asi zvizhinji zvinozoda kuti zviitwe kuti mafuta aya anyatsoshanda kwavari.

Spelile Machingamidze - Amai Vanorarama Nehusope
Spelile Machingamidze - Amai Vanorarama Nehusope

Amai Spelile Machingamidze vanorarama nehusope vanoti parizvino mishonga inonyatsokuvabatsira irikudhura uye inogadzirwa munyika ichirikuda kuti inyatsogadziriswa kuti ishande zvakanaka.

"Tinotambira danho ririkuda kutorwa nesangano reWomen Of Dominion International iri nekuti vakakwanisa kuwana vanogadzira mishonga iyi zvine hunyanzvi zvinokwanisa kuti batsira zvakanyanya." Amai Machingamidze vakaudza Studio 7.

Hurukuro NaDr Natsai Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro NaAmai Spelile Machingamidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG