Accessibility links

Zimbabwe Warriors Yogadzirira Mutambo Wayo weKupedzisira weAfrica Nations Cup

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe Warriors will soon prepare for 2016 African Nations Qualifier with Guinea. (Photo: Joseph Njanji)

Chikwata chenhabvu chemaWarriors chatanga gadziriro yacho yemutambo wekupedzisira wema qualifiers e Africa Cup Of Nations achatambirwa kuGabon.

MaWarriors achatamba ne Guinea pamutambo wavo wekupedzisira vasati vaenda kuGabon. Chikwata che maWarriors chakato budirira kuenda kumakwikwi aya asi parizvino chikwata ichi chinofanirwa kuzadzikisa chiga chemutambo uyu sezviri pasi pemitemo yeFIFA.

Vanowona nezve kufambiswa kwemashoko musangano re Zimbabwe Football Association (ZIFA) vaXolani Gwesela vanoti gadziriro iyi iri kufamba zvakanaka parizvino.

VaGwesela vanoti vatambi vaviri vanoti maWarriors akapinda mugadziriro nemuvhuro uye pane mutambi Kudakwashe Mahachi akuvara nhasi asi vanotarisira kuti achanaya chikwata chisati chasimuka neChishanu.

"Tiri kufara negadziriro iri kuitwa nechikwata chedu uye takatarisira kuti vakomana vachakunda pavachatamba ne Guinea,"Va Gwesela vaudza Studio 7.

Chikwata ichi chirikutarisirwa kusimuka neChishanu munyika chakananga kuGuinea.

XS
SM
MD
LG