Accessibility links

Breaking News

Chikwata ChemaWarriors Choita Mangange 1 kwa 1 NeCameroon Mumutambo Wekuedzana Simba


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Chikwata chemaWarriors chaita mangange ne Cameroon 1 kwa 1 pamutambo wekuedzana simba watambwa kuCameroon nhasi. Kunyangwe zvazvo panga pane makakatanwa pakati pesangano reZIFA nevatambi venhabvu vemaWarriors pamusoro pemari dzavo dzemihoro vatsigiri venhabvu vanoti vari kufara nekutamba kwaita chikwata ichi.

MaWarriors nedzimwe nyika dzemuAfrica vachatanga makwikwi eAfrica Cup Of Nations nemugovera kuGabon.

MaWarriors ari kutarisirwa kutatsurana ne Algeria mumutambo wavo wekutanga uchatambirwa ku Franceville nemusi we Svondo. MaWarriors achatamba ne Senegal kuFranceville musi wa 19 vozotamba neTunisia musi wa23 mwedzi uno kuLibreville.

Mumwe mutsigiri wemaWarriors, Alvin Zhakata anoti akatarisira kuti chikwata chake chichabudirira pamitambo yekuyedzana simba chisati chaenda kuAFCON.

"Kunyangwe zvinhu zvisina kufamba zvakanaka mugadziriro tiri kufadzwa nematambiro aita chikwata nemutambo wavo," VaZhakata vaudza Studio 7.

Hurukuro Nava Alvin Zhakata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG