Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yosimudza Mureza kuGabon


The Zimbabwe Warriors
The Zimbabwe Warriors

Chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chakasimudza mureza weZimbabwe mudenga kuma 2017 Africa Cup of Nations Finals uko vakaita mangange.

Kwakave nemufaro mukuru muZimbabwe neSvondo manheru mushure mekunge chikwata chemaWarriors chakaita mangange 2-2 nemaDesert Foxes ekuAlgeria mumutambo wavo wekutanga we 2017 Africa Cup of Nations Finals muStade de Franceville Stadium.

Vashoma vaipa maWarriors mukana mumutambo uyu asi chikwata chaKalisto Pasuwa ichi chakatamba zvine mutsindo zvekuti vangadai vakakunda 2-1 dai pasina chibodzwa chakanwiswa naRiyad Mahrez kwasara maminitsi gumi chete kuti mutambo upere.

Zvibodzwa zvakabva kuna Kuda Mahachi naNyasha Mushekwi zvaive zvapa Zimbabwe kutungamira zvichisiya veruzhinji vaive vakaungana munzvimbo dzekutandarira munyika vaine mufaro mukuru.

Mutsigiri wechikwata cheZPC Kariba, VaLernmore Zaranyika, vanoti vari kufara zvikuru nematambiro akaita Zimbabwe ayo vari kufananidza nematambiro anoita chikwata chine mukurumbira cheBrazil.

Muteveri wemaWarriors, VaKennedy Mudavanhu, vanoti poindi imwe chete yawanikwa neZimbabwe mumutambo wekutanga yapa maWarriors pekutangira mumakwikwi ezvikwata gumi nezvitanhatu aya.

Zimbabwe yave nepoindi imwe chete yakaenzana neAlgeria, mapoinzi maviri pasi peSenegal iyo iri kutungamira gungano iri nemapoinzi matatu mushure mekunge yakarova Tunisia 2-0.

Mutambo wemaWarriors unotevera uriko neChina apo vari kusangana nemaTerenga Lions eku Senegal.

VaZaranyika vanoti Zimbabwe yakatodarika kare paSenegal zvekuti vatove kutarisa zvekutora mukombe.

Zimbabwe iri kutarisira kusvika mumakota fainari kekutanga kubvira muna 1980 apo yakatanga kukwikwidza mumakundano makuru enhabvu muAfrica aya.

Nematambiro avakaita neSvondo, zviri kuratidza kuti kumberi kwavo kwakajeka.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG