Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoburitswa muAfcon 2017


Tendai Ndoro
Tendai Ndoro

Nzira yemaWarriors eZimbabwe yakasvika kumagumo emakundano e2017 Africa Cup of Nations neMuvhuro manheru.

MaWarriors ave kudzoka kumba mushure mekupedza ari pasi pasi mugungano rezvikwata zvina nepoindi imwe chete kubva mumitambo mitatu zvichitevera kurohwa kwavakaitwa 4-2 neTunisia neMuvhuro manheru munhandare ye Stade d’Angondje muLibreville.

MaWarriors haana kupihwa mukana nemaCathage Eagles zvekuti vangadai vakakundwa nezvibodzwa zvakawandisa dai maCathage Eagles asina kutambisa mikana yakawandisa yavakawana kunyanya munharaunda yekutanga.

Tunisia yaive yatotungamira 3-0 kwafamba maminitsi makumi matatu nemanomwe zvekuti zvanga zvatove pachena kuti Zimbabwe yaive isingamire mumutambo uyu.

Kunyange hazvo Knowledge Musona naTendai Ndoro vakazorova havo mambure, mutambo wanga watopera kare.

Nhengo yeWarriors Fan Club, VaDaniel Muzamiri, vanoti mutambo uyu wanga wakaoma zvikuru vachiwedzera ivo kuti maWarriors ane raki rekuti havana kurohwa nezvibodzwa zvakawandisisa.

Muteveri wemaWarriors, VaSimbarashe Mandizvidza, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nezvakaitika izvi vachiti ivo vaitarisira kuti kana zvaomesesa maWarriors aiita mangange.

Muteveri wechikwata cheCaps United, VaFarai Musudire, vanoti Pasuwa akatadza kumisa vatambi vake mumutambo wakakosha uyu.

MaWarriors apedza aine poindi imwe chete pasi peSenegal iyo ine mapoinzi manomwe, Tunisia ine mapoinzi matanhatu pamwe neAlgeria iyo yapedza iine mapoinzi maviri.

Chikwata chaKalisto Pasuwa ichi ndiwo maWarriors anyanyokundikana kubva muna 1980 apo Zimbabwe yakatanga kukwikwidza nedzimwe nyika mumakundano eNations Cup iwaya.

Kunyange hazvo vasina kusvika muma kota fainari, chikwata chaSunday Chidzambwa cha 2004 nechaCharles Mhlauri chemuna 2006 zvakabuda nema poinzi matatu mushure mekukunda mumutambo mumwechete.

MaWarriors aya afanana zvekare nechikwata chenyika chevatambi vanotambira zvikwata zvemuno chete icho chakanobuda nepoindi imwe chete mumitambo mitatu kuma 2016 Africa Nations Championships ayo anodaidzwa zvekare kunzi CHAN kuRwanda.

Muongorori wemutambo wenhabvu, Va Jevas Nyakudya, vanoti maWarriors akakundikana vasati vasimuka muHarare nemhaka yamatambudziko avakasangana nawo vari mukamba.

Zvichitevera kurohwa neTunisia, kaputeni wechikwata ichi, Willard Katsande, ataura iye kuti nguva yake yekutambira maWarriors yasvika pamagumo achiti iye ave kuda kuisa simba rake rese mukutambira chikwata chake cheKaiser Chiefs chekuSouth Africa.

MaWarriors, ayo asiri kutamba makundano e2018 World Cup, ave kumirira muna Gunyana panotanga mitambo yekuenda kuma 2019 Africa Cup of Nations kuti vatange zvekare kukwikwidza nedzimwe nyika.

Zimbabwe iri mugungano rimwe chete neCongo DR, Congo Brazzaville, pamwe neLiberia mumakundano aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG