Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Rubatsiro rwe$188m Ichabatsira Vakawirwa neMatambudziko


VaPhelekezela-Mphoko
VaPhelekezela-Mphoko

Zimbabwe iri kutsvaga rubatsiro rwemariu inodarika zana nemakumi masere emamiriyoni emadhora. Mari iyi ndetekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Izvi zvaziviswa nevakasanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, pamusangano wavaita nevamiriri vedzimwe nyika.

Musangano uyu wapindwawo nesangano reUnited Nations Development Program, vemabhangi pamwe nevemakambani akazvimirira

VaMphoko vati vamiriri ava nemakambani aya vanoziva dambudziko rakawirwa neZimbabwe uye hurumende yavo iri kuda rubatsiro rwemhando yese.

Vatiwo hurumende ichaedza nepainogona napo kuona kuti mari yese ichabviswa ichaenda kunobatsira vanhu vakawirwa nedambudziko iri.

VaMphoko vati mari yese iri $188m yavari kutsvaga ichange ichibatwa neveReserve Bank of Zimbabwe uye vese vanenge vabvisa mari yavo vanogona kupihwa humbowo hwekuti mari yavo yakashanda sei.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vati hurumende ichiri kuongorora kuti mari iri kudiwa imarii, asi vati vakawana $188 million, mari iyi inogona kubatsira zvakanyanya.

Vatiwo musangano weSouthern Africa Development Community uchangobva mukuitwa wakaratidza kuti mashafamu akaparadza zvinhu zvakawanda muZimbabwe kudarika zvakaitika munyika dziri mudunhu rese.

Mukuru weUNDP muZimbabwe, VaBishaw Parajuli, vati vatambira chikumbiro chehurumende uye vari kushanda nehurumende yeZimbabwe mukubatsira vese vakawirwa nedambudziko iri. Vatiwo zvinofadza kuti pane rubatsiro rwave kutopinda munyika.

Mumiriri weChina muZimbabwe, VaHuang Ping, vati chikamu cheRed Cross chekunyika kwavo chakabvisa rubatsiro rwezviuru zvishanu zvemadhora uyewo vashandi vemuZimbabwe vanobva kuChina vakabvisa zviuru gumi zvemadhora zvekubatsira vakawirwa nedambudziko remafashamu.

Rumwe rubatsirwo rwematende, mishonga nezvimwe zvasvika munyika neMuvhuro kubva kuJapan.

Namibia yazivisawo kuti iri kuunza rubatsirwo rwechikafu runosanganisira magaba ehove miriyoni.

Mukutanga kwemwedzi kwaKurume, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati dambudziko remafashamu idambudziko renyika yese izvo zvinoita kuti hurumende ikwanise kutsvaga rubatsiro kunze.

Pane vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi mashanu vakatofa munyika yese uye nemafashamu, ukuwo mhuri dzinodarika zviuru zviviri nemazana mashanu dzakaparadzirwa misha yadzo, zvikoro, mabhiriji nemakirinika zvikaparadzwawo munzvimbo dzakasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG