Accessibility links

Breaking News

VaMudede Voita Rusarura paVatori veNhau


Masangano evatori venhau munyika anoshora mabharani mukuru wenyika, Registrar-General, VaTobaiwa Mudede, nekudzingwa kwavakaita mutori wenhau weDaily News, Ndakaziva Majaka, pamusangano wavakaita nevatori venhau neChina kumahofisi avo muHarare.

VaMudede vakadzinga Majaka vachiti vainge vasingade kutaura nevatori venhau vanobva kumakambani akazvimirira vachiti vaida vatori venhau vekumakambani ehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation neZimbabwe Newspapers.

Pamusangano uyu, VaMudede vakanyomba masangano anoshanda akazvimirira ega, vatori venhau vanoshandira makambani anoshanda akazvimirira. VaMudede vakatiwo nyika ine vanhu mamiriyoni mashanu nechidimbu evanhu vakanyoresa kuvhota musarudzo. Vakatiwo vari mushishi yekunatsurudza gwaro revavhoti kana kuti voters’roll.

Asi masangano evatori venhau ashora kuita kwavamudede achiti vatapi vanhau vose vanofanira kupihwa mukana wenyora nhau dzese dzine chekuita nenyika zvikuru sei sarudzo.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vashora VaMudede vachiti maitiro avo anonyadzisa.

Sachigaro wekomiti yeMedia Institute of Southern Africa –Zimbabwe, VaStanley Kwenda, vanoti vakatyamadzwa zvikuru nemaitiro aVaMudede uye vanotarisira kuti Zimbabwe Media Commission ichaongororora nyaya iyi.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vatiwo kana VaMudede vachiita basa ravo nemazvo, vanofanira kurega vatori venhau kubva kumasangano ese vachinyora kana kutepfenyura zvinoitika mumahofisi avo.

VaMudzengi vatiwo kudzinga kwavakaita mutori wenhau pamusangano wavo kunoratidza kuti vainge vasingataure zvinhu zvinobatsira nyika, asi zvekutsigira reZanu PF.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, avo vaimbove mutapi wenhau weDaily News, uye vakamboburana naVaMudede muna 2002, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti aya ndiwo maitiro aVa Mudede uye ivo vakatombodzingwa mumusangano wevatori venhau mushure mekunge vapikisa VaMudede.

Zimbabwe inotarisirwa kuita sarudzo gore rinouya uye sangano raVaRuhahanya rakaburitsa gwaro neChina rekuti nyika haigoni kuita sarudzo dzakachena kana vashandi veZimbabwe Electoral Commission nevanhu vakaita saVaMudede vakaramba vari pamabasa avo.

Bazi raVaMudede ndiro rinonyoresa vanhu vese vanovhota munyika, kunyange hazvo basa iri rakanzi riitwe neZimbabwe Electoral Commission.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG