Accessibility links

Breaking News

Vavhoti Voonesana neVavhoterwi Mudunhu reGoromonzi


Zimbabwe Election Advocacy Group Urges Shift in Control of Voters List
Zimbabwe Election Advocacy Group Urges Shift in Control of Voters List

Sangano reElection Resource Center rinoti rine chirongwa chekuti vavhoti pamwe chete nevanovoterwa pazvigaro vawane mukana wekuita hurukuro vachiudzana zvavanotarisira vose kuona zvichiitika.

Sangano reElection Resource Center (ERC) rinoti rine chirongwa chekuti vavhoti pamwe chete nevanovoterwa pazvigaro vawane mukana wekuita hurukuro vachiudzana zvavanotarisira vose kuona zvichiitika.

ERC inoti yakabuda nehurongwa uhu mushure mekuona kuti vavhoterwi havadzokeri kuvanhu kana vave pazvigaro.

Chirongwa ichi chinonzi Communities in Action chakapararurwa mudunhu reGoromonzi uye vagari veko vari kurumbidza chirongwa ichi vachiti chiri kubvisa kutya mavari kubvunza kana kuudza vatungamiriri vavo zvavanoda.

Muzvare Constance Likoswe mumwe mugari wekuDomboshava ari kurumbidza chirongwa ichi achiti chiri kuvapa mukana wekutaura zviri mumatundundu avo.

Muzvare Likoswe vanoti kunyangwe hazvo vamwe vatungamiriri vakamboda kuvhunduswa nechirongwa ichi chinopa simba kuvanhu, vamwe vave kuchigamuchira nemaoko maviri.

Mumwe mugari wemudunhu iri, Muzvare Esther Madambi, vanotiwo vari kutsigira chirongwa ichi sezvo chiri kubatsira kuti vechidiki vadyidzane nehurungamiriri hwavo mudunhu ravo.

Mukuru weElection Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti chirongwa chavo ndechekuti vavhoti nevanovhoterwa vagare vachionesana pane zvose zvinofanirwa kuitwa, uye izvi zvichiitwa vanhu vakasununguka.

VaChimhini vanotiwo kunyangwe zvazvo vatungamiriri vakamboshupikana nechirongwa ichi, nekupindana kwenguva vave kuchigamuchira

Hutungamiriri hwakutanga kuteerera vamwe vakuzviona kuti vakasaterera mangwana vanhu vanozoti toda hutungamiriri hwuno teerera hunoita zvatinoda.

Election Resources Center inoti chinangwa chayo ndechekuti mune remangwana vavhoti vave nesimba rekuita sarudzo dzekuvhotera vatungamiriri vanounza budiriro neshanduko pamwe nekuita zvido zvevanhu vachishanda munharaunda dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG