Accessibility links

Breaking News

MDC Yoronga Kusvitsa kuSADC Nyaya yeMhirizhonga


VaTendai Biti
VaTendai Biti
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti haisi kufara nenyaya yemhirizhonga yave kutekeshera munyika pamberi pereferendamu inonzi ichaitwa musi wa 16 Kurume.

Munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vanoti bato ravo harisi kufara nemhirizhonga iri kuitika munyika.

Izvi zvinotevera kupisirwa mumba kwakaitwa mwana wenhengo yeMDC kuHeadlands, Va Shepherd Maisiri, Simbarashe Maisiri, uyo ange ave nemakore gumi nemaviri ekuberekwa ku Headlands nevanofungidzirwa kuti inhengo dze Zanu PF.

Mushure memusangano uyu, murongi wemisangano mubato iri, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti chinoshamisa ndechekuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vari kutaura zvekuti munyika muve nerunyararo asi vemubato ravo vachienderera mberi nemhizhonga.

VaChamisa vati bato ravo richasvitsa nyaya yemhirizhonga kusangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa reSADC nechinangwa chekuti paitwe musangano wechimbichimbi wekugadzirisa nyaya iyi.

VaChamisa vati bato ravo richatora matanho akasimba nenyaya yemhirizhonga iri kuitika munyika bato ravo risati rabvuma kupinda musarudzo.

MDC inoti pave nenyaya dzemhirozhonga dzinokwana zana nemakumi mana dzaitika munyika kubva pakutanga kwegore rino kusvika pari zvino.

Zvichakadai, VaBiti varamba mashoko akaburitswa mubepnhau re Sunday Mail ekuti hurumende yave nemari yekuita referendamu vachiti hapana kana kobiri zvaro.

Nemashoko aVa Biti aya, hazvichazivikanwe kuti referendamu iyi ichabudirira kuitwa musi wa 16 Kurume here kana kuti kwete.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG