Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaRobert Mugabe Vovhura Nhandare yeVictoria Falls


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakavhura nhandare yeVictoria Falls zviri pamutemo nemusi weChishanu.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMugabe vakati kuvhurwa kwenhanhandare iyi kwakakosha sezvo kuchipa kuti vekunze vanange kuVictoria Falls kwete kumboenda nekune dzimwe nhandare.

Nhandare iyi inotarisirwa kuti ichabatsira kukwezva vashanyi vakawanda.

Asi kanzura we MDC-T kuVictoria Falls VaEfias Mambume vanoti havawone huwandu hwevashanyi huchiwedzera mudunhu ravo sezvo vashanyi vazhinji vasiri kufara nemafambisirwo ari kutwa zvinhu munyika panyaya yehutongo hwejekerere.

VaMambume vanotiwo nyaya yekushaikwa kwemari mumabhanga ndiyo imwe ichatadzisa vashanyi kuti vashanyire nzvimbo iyi kunyangwe zvazvo vachisvikira panhandare yepamusoro soro.

"Ikozvino ukafamba mudhorobha reVictoria Falls unoona vanhu vazhinji vakamira mumitsetse vachida kutora mari dzavo. Saka kana zvinhu zvikaramba zvichioma handione vashanyi vazhinji vachizouya kunoshanya kuno kunyangwe hazvo kwave nenhandare yakanaka," Va ambume vaudza Studio 7.

Hurukuro naVaEfias Mambume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG