Accessibility links

Breaking News

Amai Hillary Clinton Votatsurana naVaDonald Trump muGakava reKutsvaga Mutungamiri Mutsva WeAmerica


VaDonald Trump naAmai Hillary Clinton
VaDonald Trump naAmai Hillary Clinton

Vari kukwikwidzana musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica vaDonald Trump vemaRepublicans naAmai Hillary Clinton vemaDemocrats vakaita gakava ravo rekutanga kana kuti dhibheti neChipiri manheru.

Gakava iri rakaitirwa kuHempstead muNew York. Musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica munoitwa magakava matatu nevatungamiri venyika kwoti rimwe chete nevatevedzeri vavo. Vaviri ava vakabatabata panyaya dzakawanda dzinosanganisa kurwisa vanopfurikidza mwero veISIS uye nyaya yemitero.

Vanhu vakawanda vakataura nenhepfenuro dzakaita seCNN neMSNBC vakati semaonero avo Amai Clinton ndivo vakakunda sezvo VaTrump vaiita sekunge vasina kunge vanyatsogadzirira.

Promise Sande
Promise Sande

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuFlorida muAmerica, VaPromise Sande vanoti pane zvizhinji zvingadzidzwe neZimbabwe zvikuru kukwanisa kuita gakava nevaunokwikwidza navo pasina mhirizhonga.

VaSande vanoti vakafadzwa nekutatsurana kwaiita VaTrump naAmai Clinton uye nekuzovimbisa kwakaita vaviri ava kuti mumwe wavo akakunda vese vaizoremekedza zvinenge zvabuda musarudzo idzi.

“Ndakatora nguva ndichioona zvange zvichibuda pachirongwa ichi nezuro (Chipiri) ndichida kunyatsokuziva kuti zviyi zviri kuvimbiswa nemapato maviri aya emaDemocrats nemaRepublications kuti ndiwane hwaro hwekuti nyika ino iri kuenda kupi panyaya dzezvematongerwo enyika saka ndakagutsikana nezvandakaona uye shuwiro yangu ndeyekuti zvirikuitika muno izvi tizozviona zvichiitwawo kumusha,”VaSande vaudza Studio 7.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG