Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ozeya kuUN Dambudziko Rekurodzwa kweVanasikana Vasati Vabva Zera


Hon Paurina Mpariwa Gwanyanya
Hon Paurina Mpariwa Gwanyanya

Nyaya yekurodzwa kwevanasikana vasati vabva zera iri kutarisirwa kuzeyewa zvakadzama kumusangano mukuru weUnited Nations CSW 61 uri kuitirwa muNew York.

Zimbabwe inoti iri kufara sezvo yakawana mukana wekuzeya zvine hudzamu matambudziko ari kutarisana nevanasikana nemadzimai pachirongwa chichange chichiitika neChipiri.

Paurina Mpariwa Gwanyanya
Paurina Mpariwa Gwanyanya

​Mutevedzeri wasachigaro wechikwata chenhengo dzeparamende chinoona nezvemadzimai, Amai Pauline Mpariwa Gwanyanya, vanoti vari kutarisira kuzopakurira zvavanenge vadzidza kuvanhu vedunhu ravo reMufakose.

Mumwe wevamwe madzimai vari kumusangano uyu ndi Amai Edna Masiyiwa vesangano re Women’s Action Group.

Amai Masiyiwa vanoti pamusangano uyu vachange vachizeya nzira dzingashandiswe kuti mabasa anoitwa nemadzimai vasingapihwe mihoro acherechedza nekuverengwawo panezvehupfumi hwenyika yeZimbabwe.

"Tinowona kuti vanhukadzi vanoita mabasa akasiyana siyana sekuchengeta mhuri zvisina muhoro, asi aya mabasa makuru anofanirwa kuwanawo ruremekedzo, izvu ndizvo zvimwe zvezvinhu zvatiri kuzeya kuno," Amai Masiyiwa vaudza Studio 7.

Amai Masiyiwa vanoti vachange vachizeya nezvenzira nzingashandiswe kuvandudza hupfumi hwemadzimai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG