Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Inopa Mazuva Maviri Kuti Vanotengesa Mumigwagwa Vasaita Izvi


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Kanzuru yeguta reHarare iri kutora matanho ekurwisa chirwere cheTyphoid icho chakauraya vanhu vaviri muHarare.

Kanzuru yeguta reHarare iri kutora matanho ekurwisa chirwere cheTyphoid icho chakauraya vanhu vaviri muHarare.

Senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, kanzuru yapa vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa mazuva maviri kuti vamire kuita izvi.

Pashanyirwa nzvimbo yeMbare, vashandi veguta reHarare vachibatsirwa nesangano rakazvimirira reOxfam, vange vachiongorora mvura yemuzvibhorani.

Vamwewo vashandi vange vari mubishi kuchinja pombi dzinofamba netsvina.

Kanzuru yeHarare nhasi yapawo vanotengesa mumigwagwa maawa makumi mana nemasere kuti vamire zvekutengesa zvinhu mumigwagwa senzira yekudzivirira kupararira kwezvirwere zvemudumbu .

Asi aka hakasi kekutanga kanzuru ichirambidza vanhu ava kutengesera mumigwagwa zvichitadza kubudirira.

Sangano re Vendors Initiative for Social and Economic Transformation rinoti zvaitwa nekanzuru yeHarare hazvina musoro, uye richakwidza nyaya iyi kumatare richipikisa danho ratorwa nekanzuru.

Vagari vekumusha unogara vazhinji weMbare uko kune vanhu vakafa nechirwere ichi vanoti kufa nekurwara kwakaaita vanhu uku kwakatirimutsa kanzuru iyo inogarochema nekushaya mari.

Amai Margaret Masando vanogara muna 9th Street vakabuda muchipatara cheBeatrice Road Infectious Disease Hospital mazuva mashomanana apfuura mushure mekubatwa nechirwere cheTyphoid.

Amai Masando vanoti vakatamba zororo rekisimusi pamba pavo pakazara masuweji. Vanoti kunyange hazvo vaive vazivisa vekanzuru nezvedambudziko ravo hapana matanho akatorwa.

Asi Amai Masando vanoti mushure mekurwara kwavo pamwe nekufa kweumwe mwana mumaraini mavo kanzuru yeHarare yave kumhanya-mhanya kugadzirisa musha weMbare kudzivirira kuparara kwechirwere ichi.

Amai Masando vanoti dai hurumende yabatsira kanzuru yeHarare kugadzirisa dambudziko repombi dzinotakura tsvina. Amai Masando vanoti vanhu vave kugara mumusha weMbare vawandisa zvikuru izvo zvoita kuti mapombi aya aremerwe.

Izvi zvatsigirwa naVaBernard Chihota mumwe mugari wemuna 9th Street avo vati kusvika dambudziko repombi dzesuweji ragadzirwa, chirwere chetyphoid chinotofunya chisero muguta reHarare.

Kunyange hazvokanzuru iri kutora matanho ekurwisa chirwere ichi, kumusika weMbare kunotengeswa zvirimwa, vatengesi vange vachitengesa zvirimwa semazuva ese kunyange hazvo kwange kwakazara machakwi nekuda kwemvura iri kunaya iyi.

VaSpencer Chimuti vanogara pedyo nemusika weMbare. VaChimuti vanoti havasi kutombovhundutswa nechirwere ichi.

VaChimuti vanoti zviri nyore kupararira kwechirwere ichi sezvo varimi vachitengesera zvirimwa zvavo pasi.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG