Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Muchato waVaTsvangirai naMuzvare Macheka Uriko neMugovera


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa
Magweta emutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, anonzi ari kupikisa mudare repamusoro mutongo wapihwa neChishanu nedare ramejasitireti wekukanzura rezenisi rakanga rapihwa VaTsvangirai kuti vachate nemudiwa wavo, Elizabeth Macheka.

Muchato uyu wakarongwa kuti uitwe neMugovera, uye vamwe vakuru vakuru vachange vari kumuchato uyu vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMalawi, Amai Joice Banda, mutungamiri weSwaziland, Mambo Mswati.

Magweta aVaTsvangirai anonzi ari kuda kuti dare repamusoro, iro rakarasa neChitatu chikumbiro chaMuzvare Locardia Karimakwenda chekuti muchato uyu usaenderere mberi, rishandise mutongo uyu kuitira kuti mutongo wedare repasi, wapihwa nemutongi wedare ramejasitireti, VaMunamato Mutevedzi, usaremekedzwe.

VaMutevedzi ndivo zvakare vakapa VaTsvangirai rezenisi rekuchata, avo vazorikanzura neChitatu.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nerimwe remagweta aya, VaThabani Mpofu, kuti tinzwe kuti nyaya iyi yava papi.

Ukuwo rimwe remagweta aMuzvare Karimakwenda Tembo, Va Dumisani Mthombeni, havana kuwanikwa kuti tinzwewo divi ravo.

Asi MDC inotungamirwa naVaTsvangirai inoti iri kuenderera mberi nehurongwa hwemuchato uyu neMugovera.

Bato iri riri kukoka veruzhinji kuti vaende neMugovera kumabiko ekupemberera muchato uyu kuGlamis Stadium muHarare.

Vanoronga nezvemisangano muMDC, VaNelson Chamisa, vanoti hurongwa hwavo huri kuenderera mberi neMugovera.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG