Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Chaidzo Dzekuumba Mubatanidzwa Dzinotanga Mwedzi Unouya

  • Blessing Zulu

VaTsvangirai naVaNcube

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kutanga mwedzi unouya vachange vachitanga nhaurirano nevakafanobata chigaro chemutungamiri webato reNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, pamwe nemutungamiri weimwe MDC, Muzvinafundo Welshman Ncube.

Nhaurirano idzi dzichange dziri kutsvaga nzira dzekuti vangaumbe sei mushandirapamwe wekuti vave nemunhu mumwe chete anozokwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018.

Munhu anenge awiriranwa ndiye achakwikwidzana nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, avo vakatosarudzwa kare nebato ravo kuti ndivo vachange vachirimirira musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

VaTsvangirai vanoti vanozviziva kuti kuumba mubatanidzwa kunonetsa asi vakazvipira kuti vaite zvavanoti zviri kudiwa nevana veZimbabwe kuitira kuti nyika ibude mumadhaka mairi.

VaTsvangirai varambawo kuti paita ropa rakaipa pakati pavo nemutevedzeri wavo, Muzvare Thokozane Khupe, pamusoro penyaya yekuita mubatanidzwa iyi.

VaTsvangirai vati pane sungawirirano pakati pavo naMuzvare Khupe sezvo vese vaine chinangwa chekununura nyika kubva muhunhapwa hweZanu-PF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raMuzvare Kuphe panyaya iyi.

VaTsvangirai vanoti gonhi richiri rakavhurika kana vamwe vakaita saVaTendai Biti vePeople's Democratic Party vachida kushanda nawo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG