Accessibility links

Breaking News

Tsvangirai: Mubatanidzwa Ngauve weMapato Ane Vanhu


Former Prime Minister Morgan Tsvangirai shares a joke with his former finance minister, Tendai Biti, at a rally of about 500 people in Harare, March 22, 2017. Tsvangirai said the next election is heading for a dispute unless the Zimbabwe Electoral Commiss
Former Prime Minister Morgan Tsvangirai shares a joke with his former finance minister, Tendai Biti, at a rally of about 500 people in Harare, March 22, 2017. Tsvangirai said the next election is heading for a dispute unless the Zimbabwe Electoral Commiss

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vakagadzirira kutungamira mubatanidzwa wemapato anopikisa kuti vakwikwidzane nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo dzegore rinouya ndokunge mapato aya avasarudza.

VaTsvangirai vanoti vakagadzirira kuumba mubatanidzwa nemamwe mapato asi nekuwanda kwaita mapato anopikisa anonzi ave kudarika makumi mashanu nemana, VaTsvangirai vanoti vachashanda chete nemapato ane hutungamiri hwakajeka.

Panyaya yehutano hwavo, VaTsvangirai vanoti vave kunzwa zviri nani chose kunyange hazvo vachiri havo kupota vachinovhenekwa navanachiremba.

Vati vari kutarisira kuenda kuna chiremba kekupedzisira mumasvondo maviri anotevera.

VaTsvangirai, avo vakatanga kunetsekana nechirwere chegomarara gore rapera, vanoti ishuviro yavo yekuti vanhu vasarudze mutungamiri wenyika anoziva matambudziko akatarisana nevanhu munyika.

Vatiwo dambudziko riri muZimbabwe harisi rekuti mapato abatane, asi kuti zvii zvingaitwe kuti Zanu PF itambire zvido zvevanhu.

VaTsvangirai vati vakakunda VaMugabe musarudzo dza 2008, asi Zanu PF yakaramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi.

"Iri ndiro dambudziko ratinofanirwa kuona kuti ragadziriswa munyika kuitira kuti zvido zvevanhu zviremekedzwe," vanodaro VaTsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG