Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vanobatsira Vakavhiringwa neMafashamu kuTsholotsho


Muzvare Thokozane Khupe
Muzvare Thokozane Khupe

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti hurumende inofanirwa kuwona kuti vanhu kana masangano ari kuda kupa rubatsiro kuvanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu munyika vanoita izvi vasingasangane nezvimhingamupinyi mukupa rubatsiro urwu.

Izvi zvinotevera kukakavadzana kwakaitika pakati pevamwe vashandi vehurumende vari kushanda vari paSipepa Clinic naMuzvare Khupe nechikwata chavo chaive chashanyira nzvimbo iyi nemusi weMugovera.

PaSipepa Clinic ndipo pari kugara vanhu vakabva kunzvimbo shanu dzakawirwa nedambudziko remafashamu muSipepa Ward kuTsholotsho, uye Muzvare Khupe nedzimwe nhengo dzeparamende dzinosanganisira Doctor Ruth Labode, Amai Nomvula Mguni naAmai Dorothy Ndlovu vaive vaenda kunopa chikafu nerumwe rubatsiro kuvanhu ava.

Pavakasvika nezvinhu izvi, izvo zvaisanganisira makirogiramu mazana mana ehupfu, mafuta ekubikisa, pamwe nemagumbeze zana nemakumi mashanu, Studio 7 yakaona Muzvare Khupe nechikwata chavo vachinetsana nevamwe vashandi vehurumende avo vakavaudza kuti vaisakwanisa kusiya zvinhu izvi sezvo vaive vasina kusvika nekuhofisi yadistrict administrator sezvinofanirwa kuitwa.

Kunyange hazvo vakazokwanisa kusiya zvinhu izvi, Muzvare Khupe vakati havana kufara nekuti vaive vambobvunzurudzwa izvo vakati zvinhu zvavaisatarisira kuti zvingaitwa kuvanhu vari kuda kupa rubatsiro.

Pakamba yeSipepa Flood Victims Camp pane vanhu mazana masere avo vakatizira panzvimbo iyi mushure memafashamu akaitika munzvimbo iyi pakati pemwedzi wapera.

Vanhu ava vakabatsirwa nekupiwa matende nesangano reRed Cross iro riri kubatsirawo nekuvapa chikafu. Mamwe matende akabvawo kusangano reUnicef.

Muzvare Khupe nevamwe vavo vakakwanisawo kushanyira mimwe misha yakadhiriswa nemvura kuMpanyana iyo inove imwe yenzvimbo dzakawirwa nedambudziko remafashamu.

Muzvare Khupe nechikwata chavo pamwe nevamwe vatapi venhau vakaenda kunzvimbo iyi netsoka sezvo kusingasvikike nemotokari nekuda kwemvura nemadhaka uye vakafamba makiromita matanhatu kuenda nekudzoka.

Muzvare Khupe vakati vakarwadziwa nezvavakaona vakatiwo vachataura nezvenyaya iyi mudare reparamende.

Doctor Ruth Labode, avo vanove sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, vakati vachakwidzawo kuparamende nyaya yekuti bazi rezvehutano rigadzirire kurwisana nezvirwere zvakadai semalaria pamwe nemanyoka izvo zvinogona kuwanikwa munzvimbo dzakawirwa nemafashamu.

Sedzimwe nzvimbo dziri kwakaderera, nzvimbo yeTsholotsho inogara yakatarisana nedambudziko remafashamu uye nzvimbo iyi yakawirwa nedambudziko iri zvekare muna 2014.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG