Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaNcube Voita Mushandirapamwe


Morgan Tsvangirai and Welshman Ncube. (Picture: MDC-T)
Morgan Tsvangirai and Welshman Ncube. (Picture: MDC-T)

Vatungamiri vaviri vakaumba MDC muna 1999, VaMorgan Tsvangairai naVaWelshman Ncube, vanyorerana chibvumirano chekuumba hwaro hwekuita mushandirapamwe.

VaTsvangirai naVa Ncube vakapatsanurana muna Gumiguru 2005, mushure mekunetsana panyaya yekuti bato ravo ropinda here kana kuti kwete musarudzo dzeseneti.

Chibvumirano ichi chanyoreranwa kumba kwaVaTsvangirai kuHighlands muHarare.

VaTsvangirai vakanyorerana zvakare chimwe chibvumirano chakadai neChitatu nevakafanobata chigaro chemutungamiri webato reNational People’s Party, Amai Joice Mujuru.

Vachitaura pachiitiko chanhasi, VaTsvangirai vatenda kuti kupatsanurana kwavakaita naVaNcube muna 2005 kwakapa kuti mapato anopikisa atadze kubvisa zvine mutsindo Zanu PF pachigaro chekutonga.

VaTsvangirai vatiwo vanopikisa vachapinda musarudzo dza 2018 vakabatana kuitira kuti vasunungure vana veZimbabwe pajoki rehuranda hweZanu PF.

VaTsvangirai vatiwo kubatana naVaNcube chinhu chaidiwa nasahwira wavo, muchakabvu Gibson Sibanda, uye vari kuzadzikisa chido chemufi ichi.

VaTsvangirai naVa Sibanda vakabva vose kuZCTU kuti vanotanga zvematongerwo enyika, izvo zvakaona bato re MDC richiumbwa muna 1999.

VaTsvangirai vatiwo kushandirapamwe kwevanopikisa ndiko chete kuchapa kuti Zimbabwe ibude mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi uye kuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe. Vatiwo kuti shanduko iuye munyika, vanhu vanofanira kunyoresa kuti vakwanise kuvhota.

Mashoko aVaTsvangirai atsigirwa naVaNcube, avo vakava munyori mukuru wekutanga pakaumbwa MDC muna 1999, VaTsvangirai vari mutungamiri webato, VaSibanda vari mutevedzeri waVaTsvangirai.

VaNcube vati kupatsanurana kwavakaita muna 2005 hakuna kubatsira nyika sezvo kwakadyara mhodzi yekusabatana muZimbabwe kwemapato anopikisa ayo ane vatsigiri vasiri kugutsikana nehutongi hwehurumende yaVaMugabe.

Mushure mekupatsanuka kweMDC, VaNcube vakanokoka VaArthur Mutambara kuti vatungamire chikwata chaVaNcube chakavatevera apo vakasiya VaTsvangirai vachinoumba MDC yavowo.

Ukuwo VaTsvangirai vakaenderera mberi vari muMDC iyo yakasara iine vanhu vakawanda kusvika pari zvino.

Kunyange hazvo vakawanda vari kufarira kubatana uku, vamwewo vari mumapato aya vari kutumira mashoko padandemutande re Facebook, Titter nepa Whatsapp vachishora kubatana uku vachiti zviri kuitwa nevakuru vavo hakuna kwazvinosvika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG