Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Mari neFodya Inovhiringa Hutano hweVanhu


Tobacco auction in Harare
Tobacco auction in Harare

Apo varimi vefodya vari mubishi rekutengesa fodya nyanzvi munyaya dzeutano dzinoti chirimwa ichi chiri kuvhiringa hutano hwevanhu vakawanda pasi rose.

Muzvare Mariam Mazivisa musvuti wefodya. Muzvare Mazivisa vanoti kunyange hazvo vachiziva kuti vari kuisa hutano hwavo panjodzi, vanoti kuputa kunonetsa kuregedza.

Nyanzvi mukurapa zvirwere zvegomarara, Dr Bernadette Ndoro, vanoti fodya inokanganisa hutano hweruzhinji.

Dr Ndoro vanotiwo zvirwere zvakadai semoyo nemagomarara akasiya-siyana zvinokonzerwa nekushandisa fodya. Dr Ndoro vanoti zvinosuwisa pafodya ndezvekuti inokanganisawo hutano kunyangehwevanenge vari pedyo nemuputi.

Kunyange hazvo Zimbabwe iri yedzimwe nyika dzinorima fodya, Dr Ndoro vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho sedzimwe nyika ekusiya kurima fodya. Vanoti pane zvirimwa zvizhinji zvinogona kuuyisa mari munyika zvisingaisi hutano hwevanhu panjodzi .

Mukuru weCancer Association of Zimbabwe, Amai Junior Mavu, vanoti kunyange hazvo muZimbabwe muchirimwa fodya yakawanda, magomarara anovhiringwa nekuputa fodya achiri mashoma muZimbabwe.

Amai Mavu vanotiwo ruzhinji rwunofanirwa kuziva kuti pamusoro pegomarara remapapu, pane magomarara akasiya-siyana anovhiringwa nekuputa fodya.

Amai Mavu vanoti pamusoro pekudzidzisa ruzhinji nezvekuipa kwekuputa fodya, Cancer Association of Zimbabwe ine zvirongwawo zvekubatsira vaputi kuti varege kuputa.

Mutauriri we Tobacco Industry and Marketing Board, VaIsheunesu Moyo, vanoti pafodya inorimwa munyika, zvikamu zviri pasi pezviviri kubva muzana ndozvinoshandiswa munyika.

Gurukota rinoona nezveutano, Dr David Parirenyatwa, vanotiwo hurumende iri kutora matanho akasiya-siyana kudzikisa huwandu hwevanhu vanoputa munyika.

Dr Parirenyatwa vanoti muZimbabwe huwandu hwevanhu vanofa nenyaya dzekuputa hauzivikanwi sezvo kuputa kuchibatsira kubata gomarara chete.

Kunyange hazvo kune mitemo inorambidza kuputa paruzhinji, ongororo yakaitwa neStudio 7 muHarare yakaratidza kuti mitemo iyi haitevedzwi sezvo vanhu vachingoputa chero pane veruzhinji.

Zimbabwe gore rino iri kutarisira kukohwa mamiroyoni makumi mana nematatu emakirogiramu. Fodya zhinji inotengeserwa kuChina, Belgium neKorea.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG