Accessibility links

Breaking News

Highlanders Yopemberera Kusvitsa Makore Makumi Mapfumbamwe


Highlanders
Highlanders

Pamusoro pezvo kuchave nemabiko ekupembera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe kwechikwata cheHighlanders uko mukuru wacho, VaNadumiso Gumede, vakavimbisa mumimhanzi pamwe nenhabvu zvepamusoro soro muBarbourfields Stadium neMugovera.

Vatsigiri venhabvu vatarisana nemabiko anofadza mukupera kwesvondo.

Kubva kumitambo yemuAfrica kusvika kumakwikwi eZimbabwe National Army Charity Challenge, kuchave nemachikichori enhabvu ayo anga achingotaurwa nezvawo svondo rese.

Pamusoro pezvo kuchave nemabiko ekupembera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe kwechikwata cheHighlanders uko mukuru wacho, VaNadumiso Gumede, vakavimbisa mumimhanzi pamwe nenhabvu zvepamusoro soro muBarbourfields Stadium neMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutambo uri pamuromo pevazhinji ndeuyo uri kuSouth Africa apo chikwata cheChicken Inn chiri kutarisira kudimbura muswe chikwata chemaBrazilains icho chiri kuparadza zvimwe zvikwata.

Mutambi ane mukurmbira muZimbabwe, asi achitambira Memelodi Sundowns, Khama Billiart, achenge ari mumutambo uyu kunyange hazvo asina kupinda mune wekutanga nekukuvara.

Chicken Inn yakakuanda 1-0 mumutambo iwoyu asi muteveri wenhabvu, VaLesvison Ndudzi, vanoti ikozvino maGamecocks anofanira kungwarira Billiart

Vachitarisa matambiro akaita maGamecocks mumutambo wekutanga, muongorori wezvemitambo ane mukurumbira, VaAndrew Rwodzi, vanoti havasi kunyanyotyira Chicken Inn.

Vatsigiri vechikwata cheHighlanders vanogara muSouth Africa vanosvika zviuru zviviri vavimbisa kuti vachange vari munhandare vachikuzirira Chicken Inn.

Chimwe chikwata chemuZimbabwe cheHarare City chiri kuMadagascar uko chiri kusangana neAS Adema kwete muCaf Champions League, asi muCaf Confederation Cup.

Harare City iri kutingamira 3-2 kubva mumutambo wekutanga zvekuti murairidzi wechikwata ichi, Taurai Mangwiro, anoti haasi kuona vachinetseka kukunda mumutambo wechipiri uyu.

Mutambo wekugumisira uchange uri muRufaro Stadium umo Dynamos iri kusangana neZPC Kariba mumutambo wekota fainari yeZimbabwe National Army Charity Challenge.

Kunyange hazvo mune manyukunyuku muchikwata ichi, chikwata ichi change chichingotamba mumutambo wehushamwari zvekuti uyu ndiwo mutambo ucharatudza kusimba kwacho.

Mutambo uyu wauya mumusha macho musina kumira zvakanaka mushure mekunge murairdzi wacho, Jorge Silva wekuBrazil, nezuro akarova mutori wemifananidzo yepaterevhizheni yeZimbabwe Braodcasting Corporation.

Svondo rapera, Silva zvekare akakandirana makobvu nematete nemurairdzi wevabati vepagedhe wechikwata ichi, Gif Muzadzi, izvo zvave kuitisa mibvunzo mumabatiro ebasa rake.

Asi vatsigiri venhabvu vari kutarisira kuti chikwata cheChicken Inn pamwe necheHarare City zvichavasiya vachipemberera pachapera mitambo yavo.

XS
SM
MD
LG