Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoyambira Highlanders paMutambo Wawo weSvondo


Dynamos FC
Dynamos FC

Chikwata cheDynamos chatarisira nemaziso matsvuku mutambo wacho weCastle Lager Premier Soccer League neHighlanders. Mutori wedu wenhau dzemitambo anotitaurira mamiriro akaita mukamba yechikwata ichi.

Chikwata ichi chayambira Highlanders kuti isafunge kuti ichangotora mapoinzi sezvavakamboita apo vakambotamba vese Bosso ikakunda 2-0 muRufaro Stadium.

Murairidzi weDembare Lloyd Mutasa anoti kuti Dembareiite chiremera inofanira kuve yarova zvikwata zviri pamusoro pavo zvakaita seHighlanders.

Murape Murape uyo anobatsira Mutasa anoti Dynamos haina vatambi vakakuvara zvekuti vatambi vavo vese vane mukurumbira Wisdom Mutasa, Denver Mukamba, Masimba Mambare, Stephen Alimenda, na Roderick Mutuma, vanonokerwa nemutambo uyu.

Highlanders iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi matatu nemashanu, mapfumbamwe pasi pechikwata chiri pamusoro cheFC Platinum.

Bosso yakasiya Dynamos nemapoinzi matatu, zvekuti inokwanisa kuwedzera hutungamiri hwayo ikakunda kana kudarikwa kana ikakundwa.

Mutsigiri weHarare City aMoses Sachikonye vanoti parizvino Bosso irikutatarika zvekuti varikuona ichiwira pasi.

Asi muoongorori wezvemutambo wenhabvu VaInnocent Mamera vanoti vachitarisa matambiro anga achiita zvikwata izvi kubvira apo zvasangana kekutanga varikuona Highlanders ichidzokorora kukunda kwayakamboita.

Vanotungamira chikwata cheHighlanders havana kuwedzera mari inobhadharwa pagedge kubva pamadhora matatu kusvika pamadhora mashanu sezvinomboita Dynamos kana iri pamusha.

Zvichakadaro, chikwata chiri kutungamira makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League aya cheFC Platinum chiri pamusha apo chirikusangana neHow Mine.

Kugona Kunenge Kudada iri kudziya ichitonhora zvapa kuti vakawanda vafunge kuti ikaita zvekutamba inotsvedza.

Platinum ikakundwa, Caps United ikarova Chicken Inn muNational Sports Stadium, maGreen Machine anobva aenda pamusoro pegungano iri sezvo Caps United yakasiiwa nePlatinum nepoindi imwechete chete.

Mimwe mitambo yenhabvu iriko ndeiyi

Ngezi Platinum Stars V Bulawayo City -- Gibbo

Tsholotsho V Border Strikers -- Luveve Stadium

Hwange V ZPC Kariba -- Colliery

Mutare City Rovers V Triangle United -- Sakubva Stadium

Svondo rinouya makundano eCastle Lager PSL achambomiswa kuchipihwa mukana kuChibuku Super Cup.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG