Accessibility links

Breaking News

Dynamos neMonomotapa Dzorwira Mukombe weMbada Diamonds Cup


Soccer
Soccer
Kuchatyokwa makumbo neMugovera apo vakomana vezvikwata zveDynamos ne Monomotapa vachange vachitamba mumakwikwi emukombe weMbada Diamonds Cup.

Mukombe uyu une mari yakawanda kudarika mimwe mikombe yose yemunyika.

Chikwata chichatora mukombe uyu, chichaenda kumba nemari inoita iyo zviuru zana zvemadhora, vachakundwa vacho vachitorawo mari inoita iyo zviuru makumi manomwe zvemadhora. Mari iyi ichipawo zvikwata izvi mukana wekupa vatambi vazvo mari yekisimisi.

Mutevedzeri wemurairidzi weDynamos, VaTonderayi Ndiraya, vanoti vari kutora mukombe uyu sezvo vakatovimbisa vatsigiri vavo.

Asi murairidzi weMonomotapa, VaBiggie Zuze, vanotiwo Dynamos yanyanyodziirirwa zvekuti kutonga kwayo mumukombe uyu, kuri kupera neMugovera.

VaZuze vanoti vatsigiri vavo vachange vachifara apo veDynamos vanenge vachitsvaga kuti varohwa nei pachapera mutambo uyu.

VaZuze vanoti vafara zvikuru kuti mutambi wavo ane mukurumbira ange akuvara, Tawanda Nyamandwe, achange achitamba mumutambo uyu.

Vatiwo vari kutarisira zvekare kuna Ronald Chitiyo uyo akasarudzwa pavatambi gumi nemumwe chete vakatamba zvinonwisa mvura mumakundano eCastle Lager Premier Soccer Star of the Year gore rino.

Dynamos iri kutarisira Simba Sithole kuita mashiripiti ake zvakare mumutambo uyu.

Kambani yeMbada Diamonds pamwe neveCastle Lager Premier Soccer League vari kuvimbisa vatsigiri venhabvu machikichori chaiwo pamutambo uyu.

Zviri kufadza ndezvekuti zvikwata zviviri izvi zvichange zvichimiririra Zimbabwe mumakundano emuAfria gore rinouya, Dynamos ichitamba muCAF Champions League, Monomotapa ichitambawo muCAF Confederation Cup umo iri kubatsirwa neMbada Diamonds nemari yekushandisa mumakwikwi emu Africa aya.

Zimbabwe ine nhoroondo yakasimba zvikuru mumakwiwi ezvikwata zvemuAfrica. Dynamos yakasvika mumakwikwi ekupedzisira eCAF Champions League muna 1998, ikasvika musemi final muna 2008 nemu mini league stage muna 1999.

Monomotapa yacho yakaita zvanga zvisingatarisirwe apo yakasvika mumini league stage muna 2009. Izvi zvabva zvasiya mukombe we Mbada Diamonds Cup uchirwirwa nemhondoro mbiri dzenhabvu muZimbabwe.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG