Accessibility links

Breaking News

Vanofarira Nhabvu Votsigira Chikwata chaPasuwa


Warriors coach Calisto Pasuwa. (Photo: ZIFA website)
Warriors coach Calisto Pasuwa. (Photo: ZIFA website)

Vatsigiri venhabvu vakafadzwa nechikwata chakadomwa nemurairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, icho chiri kunokwikwidza kuma 2017 Africa Cup of Nations.

Vatsigiri venhabvu vakafadzwa nechikwata chakadomwa nemurairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, icho chiri kunokwikwidza kuma 2017 Africa Cup of Nations.

Vateveri venhabvu vari kufadzwa nechikwata chenyika icho murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, akadoma nezuro kuti chinokwikwidza kumakundano e2017 Africa Cup of Nations kuGabon.

Vatsigiri venhabvu ava vari kuti hapana mutambi kana mumwe chete wavanofunga kuti anokodzera akasiiwa.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaEdwin Mwale, vanoti vatambi vakasarudzwa ava ndivo vanonzi nhabvu yemuZimbabwe.

Mumwewo mutsigiri wenhabvu ari nhengo yeWarriors Fan Club, VaStanford Dzuwa, vanoti vachitarisa chikwata ichi chakasimba zvekuti chinonokwikwidza zvine mutsindo kumakwikwi aya.

Vanobatanidza sangano reZifa nevatsigiri venhabvu Zifa Liarson Officer, VaMathias Kufandirimbwa, vanoti maWarriors akabatana.

VaTakawira Mthombeni avo vanotsgira chikwata chichangopinda muPremier Soccer League cheBlack Rhinos ndivo vanoti vari kuona maWarriors achidzoka nemukombe mukuru uyu.

Mubati wehomwe weCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti changa chichinyanyonetsa nemaWarriors imhaka yekushaikwa kwemari.

VaDodzo vanoti nemari yakapihwa maWarriors neveNetOne vari kuona chikwata ichi chichitamba zvakanaka.

Zimbabwe iri mugungano rakaoma zvikuru iro rine zvikwata zvinoti Algeria, Senegal neTunisia.

MaWarriors ari kutanga makwikwi aya nemutambo nemaDesert Foxes ekuAlgeria musi wa 15 Ndira.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG