Accessibility links

Breaking News

Zifa Inodoma Achatungamira Vatsigiri veNhabvu


Soccer
Soccer
Vakasarudzwa kutungamira kumirira vatsigiri nenhabvu neZimbabwe Football Association, Zifa, VaSimiyoni Jamanda, vanoti vari mubishi rekuunganidza vatsigiri venhabvu vachaenda nechikwata chenyika kuAngola.

VaJamanda veMotor Action vanoti vakasarudzwa neZifa sezvakatarwa nesangano re Fifa, iyo inoti panofanira kuve nemunhu anobatanidza vatsigiri venhabvu nemasangano anotungamira mutambo uyu munyika yoga yoga.

Izvi zvave kureva kuti masangano maviri anga achirwisana eZimbabwe National Soccer Supporters Association pamwe nee Warriors Fan Club, haasisina basa munhabvu muZimbabwe.

Masangano aya, ayo anotungamirwa naVa Eddie Mboma Nyatanga pamwe naVa Tendai Zhakata anga asina mvumo kubva ku Zifa, sekutaura kwaVaJamanda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaNyatanga kanawo raVaZhakata padanho rakatorwa neZifa.

VaJamanda vaimbovewo nesangano ravo revatsigiri venhabvu rairwisana nera VaNyatanga asi vakazobvumirana kubatana kuti vaite sangano rimwe chete.

VaJamanda vanoti chinangwa chavo ndechekubatanidza vatsigiri venhabvu vese kuitira kuti vatsigire zvikwata zvenyika pasina kupokana.

VaJamanda vachange vachiunganidza zvakare vatsigiri venhabvu vezvikwata zvese zvenyika kuitira kuti zvese zvinenge zvichiitwa, zvive pasi pemitemo inobata zvenhavu pasi rose.

Basa ravo riri kutanga svondo rino apo vari kuunganidza vatsigiri venhabvu vachaenda nechikwata chemaWarriors kuAngola apo Zimbabwe iri kunotamba neAngola mumutambo wekugumisira munzira yekuenda kumaAfrica Cup of Nations ayo achaitirwa kuSouth Africa muna Ndira.

Chikwata chemaWarriors chiri kufanira kusimuka musi weChishanu.

Pari zvino chikwata ichi chiri kutunganmira nezvibodzwa zviviri mushure mekukunda Angola 3-1 mumutambo wakatambirwa muRufaro Stadium musi wa 9 Gunyana.

Senzira yekukurudzira chikwata chenyika kukunda Angola, gurukota rezvekutongwa kwematunhu nemaguta, VaIgnatius Chombo, vanoti hurumende ichapa vakomana vechikwata ichi masitendi ekuvakira dzimba kana vakakunda Angola nesvondo.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG