Accessibility links

Breaking News

Pasuwa Anodoma Chikwata cheZimbabwe Warriors


Zimbabwe Warriors will soon prepare for the 2016 African Nations Championship. (Photo: Joseph Njanji)
Zimbabwe Warriors will soon prepare for the 2016 African Nations Championship. (Photo: Joseph Njanji)

Murairidzi wechikwata chenyika che Zimbabwe Warriors, Kalisto Pasuwa, abuditsa mazita evatambi avo ari kuenda navo kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.

Murairidzi wechikwata chenyika che Zimbabwe Warriors, Kalisto Pasuwa, abuditsa mazita evatambi avo ari kuenda navo kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.

Mitauro yese yanga ichiitika yapera nhasi mushure mekunge Pasuwa abuditsa pachena vatambi makumi maviri nevatatu avo ari kutakura kuenda navo kuma 2017 Africa Cup of Nations.

Vatambi vese vane mukurumbira kubva kumativi mana ese enyika vadomwa muchikwata ichi, icho chiri kutarisirwa kunotamba zvakanaka mugungano riri kusanganisa Algeria, Senegal pamwe neTunisia.

Mutambi Khama Billiart, uyo akatora mukombe weCaf Champions League neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa, Knowledge Musona, uyo ari kurova mambure zvinotyisa neOstende yekuBelgium, naNyasha Mushekwi anotamba kuChina, ndivo vachange vari kumberi vachitsvaga zvibodzwa.

Costa Nhamoinesu, uyo ari,kutamba muEuropa League neSparta Prague yekuCzech Republic, naOnismo Bhasera weSupersport United, ndivo vachange vachitarisirwa kutsigisa kumashure kwemutambo.

Vamwewo vatambi vane mbiri vari kuenda kumakundano ane mukurumbira aya vanosanganisira kaputenji wavo, Willard Katsande, Cuthbert Malajila, Kuda Mahachi, Tendai Ndoro, Danny Phiri, Mathew Rusike, Marvelous Nakamba, naEvans Rusike.

Malajila anoti ari kufara zvikuru kuwana mukana wekunotamba kuAfcon sezvo makore ake asisazomupe mumwe mukana.

Tino Kadewere we Djurgardens kuSweden, Oscar Machapa uyo anotamba kuDRC, naBruce Kangwa kuTanzania, avo vasina kumbobvira vatamba mumitambo yemunzira yekuenda kuGabon, vari muchikwata ichi zvekare.

Pasuwa ari kutakurawo vatambi vanotambira zvikwata zvemuno munyika vakaita saHardlife Zvirekwi weCaps United, Tatenda Mukuruva weDynamos, Takabva Mawaya weHwange, Donovan Benard weFC Platinum, Elisha Muroiwa weDynamos, Lawrence Mhlanga naTeenage Hadebe ve Chicken Inn.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti vari kufara nevatambi vasarudzwa naPasuwa vachiti ivo vane chivimbo chekuti maWarriors anodzoka nemukombe uyu.

MaWarriors ari kutarisirwa kusimuka rungwanani rweMugovera vakananga kuCameroon munzira yavo yekuenda kuGabon.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG