Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu yeGore Rino Yotanga neMugovera


Caps United
Caps United

Makundao e 2017 Castle Lager Premier Soccer League ari kupfungaidza hutsi neMugovera paine mubvunzo wekuti achatora mukombe uyu gore rino ndiyani.

Gore rino makundano aya ari kuratidza kuti achanakidza zvikuru zvichitevera kuwedzerwa kwakaitwa zvikwata kubva pagumi nezvitanhatu kusvika pagumi nezvisere zvichitevera kugadziriswa kwegakava raivepo pakati peZifa nePremier Soccer League.

Asi mubvunzo mukuru ndewekuti ndiani achatora mukombe uyu gore rino.

Mutambi weCaps United, Dennis Dauda, uyo ari zvekare muchikwata chemaWarriors, anoti mukombe uyu hauna kwaunoenda achiti iye vari kutora zvekare.

Mutsigiri wechikwata ichi, VaKingsley Madzivanyika, vanoti hazvina basa kuti maGreen Machine ari kukukwidza zvekare muCaf Champions League vachiti chikwata chavo chine vatambi vanokwanisa kurwa hondo mbiri panguva imwe chete.

Kunyange hazvo makore ese Caps United, Dynamos neHighlanders dziri idzo dzinowanzotarisirwa kurwira mukombe weligi uyu, muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaInnocent Tilabu, vanoti mukombe gore rino unoenda kunze kweHarare neBulawayo.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars, Tonderayi Ndiraya, anoti kutamba kwavakaita muCaf Confederation Cup kwakavapa mukana wekugadzirira makundano eCastle Lager Premier Soccer League achiti iye akavaka chikwata chakasimba.

Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza, anoti ari kutarisirawo kuti mwari achavatungamira kuti vazopembererawo panopera mitambo musi wa 26 Mbudzi.

Veruzhinji vari kuti zvikwata zvicharwira mukombe gore rino iCaps United, Highlanders, FC Platinum, Dynamos, neNgezi Platinum Stars.

Vanoti zvekare zvikwata zvakaita seTsholotsho Pirates, Hwange, Chapungu, Shabanie Mine, Yadah Stars neBlack Rhinos zvine basa guru rekurwira kuramba zviri munhabvu yepamusoro soro iyi.

Mitambo iri kuvhura makundano ndeiyi..

Mugovera:

Harare City v Yadah (National Sports Stadium)

ZPC Kariba v How Mine (Nyamhunga)

Ngezi Platinum v Black Rhinos (Baobab)

Bantu Rovers v Chicken Inn (Luveve)

Tsholotsho v Hwange (Dulivadzimu)

Chapungu v Triangle (Ascot)

Nemusi weSvondo:

Dynamos v FC Platinum (National Sports Stadium)

Shabanie v Caps United (Maglas)

Highlanders v Bulawayo City (Barbourfields)

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG