Accessibility links

Breaking News

Kugadzurudzwa kweDzimwe Nhandare Kwotadzisa Mimwe Mitambo Kutambwa


Dynamos FC
Dynamos FC

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kufanira kutambwa muNational Sports Stadium yamira netambo nemhaka yekushaikwa kwenhandare yekushandisa.

Mutambo wanga uchingotaurwa nezvawo pakati peDynamos neYadah ungangotadza kutambwa nemhaka yekushaikwa kwenhandare sezvo National Sports Stadium yakavharwa ichigadzirirwa musangano wesvondo yeChrist Embassy uyo uriko svondo rinouya.

Premier Soccer League inoti yanga yakamirira mhinduro kubva kuvaridzi venhandare iyi veMinistry of Public Works kuti ione kuti ingaishandise here kusvika neMuvhuro apo Black Rhinos iri kusangana neFC Platinum, asi mhinduro iyi yanga isati yauya.

Vanoziva zviri kuitika vanoti vesvondo ava vakabhadhara kuti nhandare iyi itange kugadziriswa nezvemusangano uyu kutanga kupera kwesvondo rino panguva iyo venhabvu vanga vasina kubhadhara kuti vashandise nhandare imwe cheteyo.

Muteveri weCaps United, VaTafadzwa Mangava, vanoti mhuri yenhabvu haina kurongeka nekuti vangadai vasina kuvharirwa nhandare iyi dai vaive vakabhadhara kare kuishandisa.

Mitambo iri kufanira kutambwa muNational Sports Stadium inotanga mangwana apo Caps United iri kutamba neChapungu.

Nesvondo, Dynamos inenge iine Yadah.

Mumwe muteveri weYadah, VaHardley Mhondiwa, vanoti ivo mutambo uyu ukaenderera mberi Dembare haimire.

Zvikwata izvi hazvikwanise kushandisa Rufaro Stadium kana Gwanzura Stadium sezvo nhandare idzi dzakavharwa zvekare nekuti dziri kugadzirwa.

Asi mimwe mitambo isiri muNational Sports Stadium iri kuenderera mberi chikwata chiri kutungamira makwikwi aya cheNgezi Platinum Stars chakananga kuBulawayo uko chine mutambo wakaoma neHighlanders.

Gore rapera Highlanders yakatadza kurova Ngezi Platinum Stars mumitambo miviri muBabourfields Stadium wemukombe neweligi asi pane zvakawanda zvakaitika panguva yezororo zvekuti hapana chivimbo chekuti Ngezi Platinum Stars inonokunda Bosso zvekare.

Asi murairidzi wavo, Tonderai Ndiraya, anoti vakagazdirira zvakakwana mutambo uyu achiti iye havasi kutarisira kukundwa kana kuita mangange asi kutora mapoinzi ese matatu.

Asi mangwana Bulawayo City iri pamusha muBaborufields Stadium neTriangle iyo isati yakunda kana mumutambo mumwe chete kubvira makundano aya atanga.

Nesvondo, Chicken Inn ine rwendo rurefu yakananga kuColliery kunosangana neHwange, apo Shabanie Mine inenge iri muMaglas Stadium ichipemberera kushanya kweTsholotsho Pirates.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG