Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 01, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vashandi vemuZimbabwe vanobatana nepasi rose mukucherechedza zuva revashandi asi paine mutauro pamusoro pehurumende inonzi iri kuda kupatsanura hukama hwevashandi kuburikidza nehurongwa hwaitwa kuChinhoyi.

Bato re People’s Democtratic Party rinotungamirwa naVaTendai Biti rinoti harisati rapinda muchibvumirano neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai sezvo richiri kushanda nemamwe mapato ari muCODE.

Mubatanidzwa wemapato ari muNera unoti une zvinyunyuto zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa ne Zec kuitira kuti hurongwa hwekuvhota munyika huitwe nenzira yakajeka.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzoyambira kukwira kwechirwere che malaria mwaka uno.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zuva revashandi iro racherechedzwa pasi rose nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG