Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 17, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dutumupengo re Cyclone Dineo rinopinda munyika risina haro hukasha hwakanyanya sezvange zvichitarisirwa.

Vana chiremba vanopinda muzuva retatuvachiramwa mabasa.

Nyaya iri kupomerwa Pastor Phillip Mugadza inotadza kunzwikwa zvakare nematare sezvo panga pasina magwaro anodiwa.

Studio7 inotarisa zvakadzama zvingaitike munyika kana VaMugabe vakasiya basa kuburikidza nerufu.

Asi mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, vanoti kana VaMugabe vakafa, Zanu PF ichavhotera chitunha chavo kuti chitungamire nyika musarudzo dzegore rinouya.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kuvhiringwa kwaitwa nzvimbo dzakawanda nemvura yawandisa munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Kukadzi 17, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG