Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu, Zvita 07, 2016.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvematunhu, Va Savior Kasukuwere, vaudzwa nematare kuti havabvumidzwe nemitemo yenyika kugovera nzvimbo dzekuvakira dzimba kuvatsigiri vavo veZanu PF izvo vanga vari kuita.

Dare rotarisirwa kupa mutongo waro nemusi wa 12 Zvita kunengo dzeMDC dzinoti Yvonne Musarurwa, Last Maengahama na Tumgamirai Madzokere

Chirongwa chinosimudzira zvigadzirwa zvemakambani evanhukadzi chinoparurwa munyika…

Muchirongwa chedu che LiveTalk nhasi tiri kutarisa zviri kuitwa nevari kunze kwenyika mugadziriro yezororo rekisimusi negore idzva kuhama dzavo dziri kumusha.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

XS
SM
MD
LG