Accessibility links

Breaking News

Kusaenda Pamudyandigere kwaVaMugabe Konetsa Nyika


Zimbabwe's President Robert Mugabe arrives for the Assembly of the Heads of State and the Government of the African Union in Ethiopia's capital Addis Ababa, Jan. 30, 2017.
Zimbabwe's President Robert Mugabe arrives for the Assembly of the Heads of State and the Government of the African Union in Ethiopia's capital Addis Ababa, Jan. 30, 2017.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hazvigoni kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vakakunda musarudzo dza2018, vanokwanisa kudoma munhu wavanoda ivo kuti agotungamira nyika ivo vachienda pamudyandigere.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinhu zvikasashanduka munyika, VaMugabe voramba vari mutungamiri wenyika, zvinhu zvinogona kuramba zvichioma munyika, sezvo VaMugabe vave mukweguri, uye hutano hwavo husina kumira zvakanaka.

Nyanzvi idzi dzinoti kusava nehutano hwakanaka kucharamba kuchiita kuti VaMugabe varambe vachitadza kuita basa ravakasarudzirwa, izvo vatori kuita, kunyange hazvo vemu Zanu PF vasiri kuda kunzwa nyaya iyi.

Zvinogona kuitika ndezvekuti, toti VaMugabe vakunda musarudzo dza 2018, vanoramba vachitonga kudzamara bato ravo raita kongiresi yaro muna Zvita 2019.

Pakongiresi iyi, VaMugabe vanogona kuti vava kuenda pamudya ndigere, vodoma munhu anovatsiva.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti munhu anodomwa naVaMugabe uyu anofanirwa kunge ari munhu asina divi raakarerekera, sezvo mubato iri muine zvikwata zviviri zveTeam Lacoste neche G40, izvo zviri kuburitsirana makano.

VaTineyi Mukwewa ndivo murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers’ Network.

Vachipa mafungiro avo panyaya iyi, VaMukwewa vanoti VaMugabe havakwanise kuita zanondega pakusarudza munhu wavangade kuti atore matomu kana ivo vave kuda kuzorora, ndokunge vakakunda musarudzo dza2018.

VaMukwewa vanoti bumbiro remitemo yenyika haribvumire izvi.

Mutevedzeri wesangano reCentre for Public Engagement, VaButler Tambo, vanobvumirana naVaMukwewa kuti bumbiro remitemo yenyika rinopa nzira nhatu dzekuti mutungamiri wenyika vangasiye basa sei.

Nzira idzi dzinosanganisira kubva pachigaro nekuda kwerufu, kubva nekutaura kuti ave kuda kusiya basa kana kubva nekuda kwekuti dare reparamende rinenge raona zvakakodzera kuti mutungamiri wenyika vasiye basa.

Asi VaTambo vanotiwo manzwisisiro avanoita bumbiro remitemo panyaya iyi ndeekuti VaMugabe vanokwanisa kudoma munhu wavanoda kuti atonge kana vakakunda musarudzo dza2018.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vanoti senzira yekuda kuchengetedza mhuri yavo uye hupfumi hwayo, VaMugabe vangade chose kudoma munhu wavanoda kuti ave mutungamiri wenyika.

VaMaphosa vanotiwo kunyange izvi zvikasave zvirimo mubumbiro remitemo yenyika, VaMugabe nebato ravo vanogona kuvandudza mutemo kuti izvi zviitike.

Asi vanoti vane chivimbo chekuti ruzhinji rweZimbabwe rucharamba izvi.

Asi vamwe vanoti zinyeke-nyeke riri mumapato anopikisa uye kutadza kuve nemushandirapamwe wakasimba mukuedza kubvisa hutongi hwaVaMugabe nebato ravo reZanu PF, ndizvo zvichaita kuti VaMugabe vakunde kana vakakwanisa kukwikwidza musarudzo dza2018.

Mukuru musangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, ndemumwe weavo vane maonero iwayo.

Mugwaro rakaburitswa nesangano reZimbabwe Democracy Institute rinonzi “Zimbabwe Probable Scenarios and Possible Outcomes: 2017 and Beyond”

mune mawonero akasiyana-siyana ekuti ramangwana renyika richange rakamira sei munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi.

Mamwe mawonero ari mugwaro iri ndeekuti VaMugabe vanogona kukunda musarudzo dzemuna 2018 asi vozodoma mumwe munhu wavanoda kuti ave mutungamiri wenyika ivo vobva vazorora zvavo.

Mukuru weZDI, VaPedzisai Ruhanya, vanoti sangano ravo rakaita ongororo yemamiriro angangoita zvinhu munyika mune ramangwana senzira yekuedza kugadzirisa matambudziko ari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG