Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu Pasi Rose


Zimbabwe
Zimbabwe
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, re International Human Rights Day, hurumende ichiti zvirango zvakatemerwa nyika nenyika dzekumadokero, zviri kuvhiringidza hurongwa hwavo hwezvekodzero dzevanhu.

Mashoko aya ataura nemunyori mubazi rezvemitemo, VaDavid Mangota, pamhemberero dzange dzakarongwa nehurumende yakabatana nemasangano anoshanda akazvimirira.

VaMangota vati hurumende yakaita basa guru mukusimudzira kodzero dzemadzimai nevana asi iri kutambura pane dzimwe kodzero nekuda kwezvirango zvayakatemerwa nedzimwe nyika.

Asi vati Zimbabwe inoda kusimudzira nyaya dzekodzero dzevanhu vakati ndosaka ichizvipira kuti iwongororwe neUnited Nations Human Rights Council pasi pechirongwa cheUniversal Periodic Review, icho chinoitwa mukati memakore mana ega ega.

Vati semuenzaniso wekuti Zimbabwe yakazvipira munyaya dzekusimudzira kodzero dzevanhu, gore rino yakakoka mukuru anoona nezvekodzero dzevanhu muUnited Nations, Amai Navy Pillay, kuti vazoona mamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzekodzeo dzevanhu.

Vatiwo Zimbabwe yapasisa mutemo weZimbabwe Human Rights Act uyo unoita kuti komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission ishande.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wemadzishe munyika, VaFortune Charumbira, vatiwo kunyange hazvo pachifanira kuve nekodzero dzekufamba, kuita misangano nekuita zvimwe, panofanirawo kuve nekodzero dzekuti vanhu vawane hupfumi hwenyika.

Mukuru weUnited Nations muZimbabwe, VaAlain Noudehou, vatiwo zvakakosha kuti nyika dzepasi rese dziremekedze kodzero dzevanhu pamwe nekuvandudza kodzero idzi.

Vati Zimbabwe yakasaina zvibvumirano zvekodzero dzevanhu zvakaita seInternational Covenant on Civil and Political Rights, vachiti kana izvi zvikatevedzwa, kodzero dzevanhu dzinovandudzwa.

Masangano akazvimirira apinda muchiikitiko ichi anosanganisira Zimbabwe Congress of Trade Unions, Zimbabwe Human Rights Association, Zimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe.

Masangano aya akurudziria hurumende kuti isayane nekatsika kayo kekusunga sunga vashandi nevanorwira kodzero dzevanhu achiti anovimba kuti hurumende ichashanda navo pakusimudzira kodzero dzevanhu pamwe nekubvisa mitemo inodzvinyirira vanhu.

Aka ndekekutanga mukati menguva refu kuti hurumende icherechedze zuva iri pamwe nemasangano akazvimriria uye zvinotevera chibvumirano chekushanda pamwe chakaitwa nezvikwata zviri izvi pasi pemusangano weUniversal Periodic Review uyo wakaitwa gore rapfuura. Kubvira panguva iyi, zvikwata izvi zviri kushanda pamwe mukugadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Zuva rekodzero dzevanhu rinocherechedzwa pasi rose musi wa 10 Zvita, uye rakatanga kucherechedzwa muna 1948.

Zvichakadaro, mapurisa emuBulawayo ambochengetedza vakuru vesangano revashandi reZCTU vaviri vanga vachitungamira hurongwa hwekuratidzira muguta iri vachicherechedza zuva iri.

Vaviri ava ndiVa Percy Mcijo, nhengo yeZCTU kuMatabeleland, naVa Ambrose Sibindi, mutevedzeri wasachigaro wesangano iri kuMatabeleland kwakare.

Nhengo dzeZCTU dzakawanda dzinondzi dzapinda mumigwagwa yemuBulawayo dzichiratidzipa pamusana pekutyorwa kwekodzero dzevanhu uye dzevashandi.

VaMcijo vaudza Studio7 kuti vambochengetedzwa kwenguva pfupi vakazoregedzwa mushure mekunge mapurisa aona kuti vanga vaine mvumo yekuratidzira.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG