Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Veruzhinji Vanoziva Zviri Mugwaro reBumbiro Idzva


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hapana chakaipa kuti veruzhinji vapihwe mwedzi mumwe chete wekuti vazeye gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pasati paitwa referendamu.

Vachitaura ne Studio 7 parutivi pemusangano wemakurukota enyika dzemu Africa anowona nezvevashandi uri kuitwa mu Harare, VaTsvangirai vati veruzhinji vari kuziva zviri mugwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCOPAC.

VaTsvangirai vati zvave kuruzhinji rweZimbabwe kubvuma kana kuramba gwaro rebumbiro iri pareferendamu yakatarisirwa kuitwa musi wa 16 Kurume.

Gurukota rinowona nezvebumbiro pamwe nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vakazivisa neChitatu kuti referendamu ichaitwa musi wa 16 Kurume uye vanoti hurumende ichiri pakati pekuzeya kuti vanhu vovhota pareferendamu iyi kwezuva rimwe chete here kana kuti mazuva maviri.

Va Tsvangirai, avo vakazivisa neChitatu kuti sarudzo itsva dzinogona kuitwa muna Chikunguru pakatariswa mamiriro akaita zvinhu munyika, vatiwo hurumende yakazvipira kuita sarudzo dzakachena.

Vatungamiri venyika dziri kuchamhembe kwe Africa vakatarisirwa kuita musangano pamusoro pegakava remu Zimbabwe munguva pfupi iri kutevera.

Ukuwo vemasangano anoshanda akazvimira vatori pakati pekushanyira nyika idzi vachikurudzira kuti pachaitwa musangano weSADC, pasimbiswe nyaya dzesarudzo dzakachena muZimbabwe.

VaTsvangirai vati Zimbabwe haifanire kuita sarudzo dzakasviba vachiti zvemhirizhonga chave chinyakare.

Zvichakadai, VaTsvangirai vaudza makurukota enyika dzemu Africa ari kupinda musangano wechimakumi matanhatu nepfumbamwe wakarongwa nesangano re African Regional Labour Administration Center kuti hurumende inenge yasarudzwa musarudzo dzakatarisirwa kuitwa mu Zimbabwe gore rino, inofanira kukoshesa nyaya dzekuwaniswa kwevanhu mabasa zvinozoita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Musangano wemakurukota emu Africa anowona nezvevashandi uyu, uyo wakatanga neMuvhuro, uye uchipera neChishanu, wabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganira nzira dzingashandiswe nehurumende dzemu Africa kuitira kuti veruzhinji vawane mabasa uye kuti hupfumi hwenyika idzi hungasimudzirwe sei.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG