Accessibility links

Breaking News

ZINWA Yotanga Kuvharira Vane Zvikwereti Zvayo Mvura


ZINWA ndiyo inoona nezvekushandiswa kwemvura yose munyika
ZINWA ndiyo inoona nezvekushandiswa kwemvura yose munyika

Boka reHurumende rinoona nezvemvura reZimbabwe National Water Authority, ZINWA rinoti rakatanga kuvharira mvura vanhu vane zvikwereti zvaro, senzira yekuti rikwanise kuwana mari yayo inodarika mamiriyoni zana nemakumi mana emadhora.

Mukuru wezvekushambadzwa nekuetengeserana muZINWA, Amai Marjorie Munyonga vakazivisa neChipiri kuti boka ravo rakanga rave kuzotora danho iri sezvo vanhu nemakambani vasiri kubhadhara zvikwereti zvavo, izvo zviri kuzoita kuti ZINWA ikundikanewo kuzogadzirisa michina yayo.

Asi vakati varimi vari pasi pechirongwa chehurumende cheCommand Agriculture havasi kuzovharirwa mvura sezvo vachitarisirwa kuzobhadhara mvura yavanenge vashandisa mukupera kwemwaka wekurima.

Pamari iyi, mamiriyoni makumi matatu emadhora inonzi chikwereti chiri mumakanzuru, kuchitiwo imwe imari yezvikwereti zvine mapazi ehurumende pamwewo nevarimi.

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo haisati yanzwa nezvedanho reZINWA iri.

Asi mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba vanoti sevagari havasi kuzoshaya hope nedanho rekuvharwa kwemvura iri, sezvo ivo vachibhadhara mitero yemvura kukanzuru yeguta reHarare.

"Vagari vazhinji havana pavanosangana neZINWA, saka isu tiri kutarisira kuti kana iri nyaya yekuvhariranwa kwemvura kana hondo dzekumusoro ikoko dzine chekuita nemvura, dzinofanirwa kunge dziri pakati pevagari nekanzuru dzavo," VaShumba vanodaro.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG